Accessibility links

Breaking News

MRP Yorambidzwa Kuita Musangano neMapurisa Zvoshorwa neVakawanda


APTOPIX Zimbabwe Anti Government-Protest
APTOPIX Zimbabwe Anti Government-Protest

Mapurisa emuBulawayo nhasi arambidza bato rinopikisa reMthwakazi Republic Party kuita musangano waro wemazuva matatu paNketa Hall. Mutauriri weMRP Velile Moyo vaudza Studio 7 kuti mapurisa ange ambovapa mvumo asi akazovarambidza kusangana asina kupa chikonzero.

Mutungamiri weMRP VaMqondisi Moyo
Mutungamiri weMRP VaMqondisi Moyo

Asi nyaya dzakadai dziri kushorwa nevanorwira kodzero dzevanhu munyika nekunze, sangano reUnited Nations, nehurumende yeAmerica ngungani reEuropean Union vari kushushikana zvikuru nezviri kuitwa nehurumende yeZimbabwe zvekusapa vanhu kodzero dzavo dziri mubumbiro remitemo renyika dzekuungana kana kuratidzira murunyararo.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Human Rights NGO Forum VaWilbert Mandinde vati mapurisa ave kushandisa mutemo weMaintenance of Peace and Order Act kurambidza vanopikisa kuita misangano zvavati zvinotyora bumbiro remitemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Svondo rapera mapurisa akarambidza veJob Sikhala Solidarity Council kuita musangano kuChitungwiza. VaSikhala vapedza gore nemwedzi misere vari mujeri asi vasina mhosva yavabatwa nayo kusvika parizvino.

Dzimwe nhengo dzebato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change dziri kupota dzichipambwa dzotochwa kuti dzitaure kuti bato iri riri kuda kuratidzira here. Mapurisa akaburitsa mashoko kuvatori venhau kunyangwe asina kupa humbowo achiti vanopikisa vari kuronga kukonzera kusagadzikana munyika.

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG