Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare neveCPU Vovimbisa Kubatsira Vatarisana neDambudziko reMafashamu eMvura


Meya weguta reHarare VaJacob Mafume vanoti kanzuru yavo ichishanda nesangano rezvekubatsira vanenge vawirwa nenjodzi veCivil Protection Unit vakagadzirira kubatsira vanhu vanenge vachida kupotera kubva kunzvimbo dzatarisana nedambudziko remafashamu emvura.

VaMafume vaudza Studio 7 kuti kune nzvimbo pedyo nemimwe misha inogara vazhinji dzinokwanisa kupoterwa nevanhu zvikuru vari munzvimbo dziri mumatoromagara muine mvura yakawandisa.

Vanoti vakatouraya mombe mbiri kuti vakatopotera vawane zvekudya.

Izvi zvinotevera mashoko akabva kune vanoona nezvemamiriro ekunze munyika veMet Department ekuyambira kuti munzvimbo dzakaita seHarare, Midlands nematunhu eMashonaland muchanaya mvura yakawandisa kusvika nemusi weMugovera inogona kukonzera mafashamu. Mvura yakawanda yange ichinaya nhasi nanezuro.

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG