Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoti Vanhu Makumi Masere neVanomwe (89) Vakafa muTsaona muNguva yeZororo reKisimusi


Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti huwandu hwevanhu vafa munjodzi dzemumigwagwa panguva yezororo rekisimusi gore rino hwati dererei zvichienzaniswa negore rapera asi vanhu vakuvara vakawedzera zvakanyanya.

Mashoko aya ari kuuyawo pafa Mumashoko kuvatori venhau, VaNyathi vati gore rino vanhu makumi masere nevanomwe kana kuti 87 vakafa zvichienzaniswa nezana nevaviri kana kuyi 102 gore rapera. Musi wekisimusi kwakafa vanhu vanomwe.

Vanoti vanhu vakakuvara gore rino mazana mana nemakumi maviri nemana kana kuyi 424 zvichienzaniswa nemazana maviri nemakumi masere nevapfumbamwe kana kuti 289 vakakuvara gore rapera.

Njodzi dzakaitika gore rino dzakati derere gore rino sezvo dzange dziri churu chimwe chete nezana nemakumi mapfumbamwe neina kana kuti 1, 194 zvichienzaniswa nechiuru chimwe chete nemazana mana nemakumi masere kana kuti, 1, 480 gore rapera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG