Accessibility links

Breaking News

Vana veZimbabwe Vanorangarira Zuva reKubatana Vamwe Vachiti Harichina Zvarinoreva


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Vana veZimbabwe vacherechedza zuva rekubatana reUnity Day, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vachivakurudzira kuti vachengetedze kubatana pamwe nerunyararo zvakaunzwa nechibvumirano chakasainirwana muna 1987 pakati pemapato eZANU (P.F.) nePF-ZAPU.

Chibvumirano ichi ndicho chakamisa kupesana kwevana veZimbabwe kwakanga kuripo kwakasiya vanhu vanodarika zviuru makumi maviri vachinzi vakaurayiwa nemauto ehurumende mumatunhu eMidlands neMatabeleland munguva yeGukurahundi.

Mumashoko avo kuvana veZimbabwe avaburitsa padandemutande ravo re X ,iro raimbonzi Twitter, VaMnangagwa vati chibvumirano chekubatana ichi chinoramba chiri nhungamiri yenyika yeZimbabwe, vanhu vachifamba vari pachibvumirano chenhaka isingagumi ichi.

Asi vamwe vanoti hapachina chekucherechedza sezvo zvinhu zvadzokera pazvaive, vachipomera hurumende yaVaMnangagwa mhosva yekumbunyikidza kodzero dzevanhu.

VaRobert Mugabe naVaJoshua Nkomo
VaRobert Mugabe naVaJoshua Nkomo

Asi mushandi mukuru muboka rezvekuburitswa kwemashoko mubato riri kutonga reZanu PF, VaFarai Marapira, vanoti zuva ranhasi rekubatana iri izuva rakakosha zvikuru kuvana veZimbabwe zvisineyi nekuti munhu anobva kubato ripi uye ari weganda ripi.

Asi Mutauriri webato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, VaPromise Mkwananzi, vanoti hakuna kubatana kunogona kuti kuitike kana munyika musina kuyanana kwakakwana panhoroondo yemavanga nemarwadzo akaitika kumashure uko kubva zvawana nyika kuzvitonga muna 1980.

Izvi zvinotsinhirwa nemukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko murimwe bato rinopikisa, reMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, VaChengetai Guta, avo vanoti dambudziko rakakonzera kunyoreranwa kwechibvumirano cherunyararo harina kupera, vachiti matunhu akakanganiswa neGukurahundi achakangosarira shure.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda nesangano re Coalition for Market and Liberal Solutions [COMALISO] Zimbabwe, VaRejoice Ngwenya, vanotiwo zuva iri rakarasa chirevo kare sezvo pangove nekupandukirana kwemutema nemutema, pasina kubatana.

Vamwe vanoti kushungurudzwa kwevana veZimbabwe, zvikuru vanopikisa, kuchiri kuenderera mberi kuburikidza nekupambwa uye kupondwa kwevanofungidzirwa kuti vanopikisa hurumende, izvo zviri kuita kuti zuva iri rishaye basa.

Pakanyoreranwa chibvumirano chekubatana muna 1987, PF-ZAPU yaive yakamirirwa nevaive mutungamiri wayo, mushakabvu VaJoshua Mqabuko Nyongolo Nkomo, kuchitiwo ZANU (P.F.) yakamirirwawo nevaive mutungamiri wayo uye vakave mutungamiri wehurumende yevatema wekutanga muna 1980 vakazove mutungamiri wenyika, mushakabvu VaRobert Mugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG