Accessibility links

Breaking News

World Food Programme Inoti Yakakwanisa Kupinza Rubatsiro muGaza


Motokari dzakatakura rubatsiro kupinda muGaza dziri pamuganho weKerem Shalom.
Motokari dzakatakura rubatsiro kupinda muGaza dziri pamuganho weKerem Shalom.

Kurwisana kunonzi kuri kuenderera mberi pakati pemauto eIsrael neHamas muGaza, Hamas, iyo inonzi neAmerica inopfurikidza mwero, ichiti vanhu vana vaurayiwa mukurwiswa kwaitwa Gaza City nezvombo zvema rocket neIsrael.

Sangano renhau reReuters rinoti mutauriri wemauto eIsarel ati haana ruzivo pamusoro pachiitiko ichi.

Izvi zviri kuuya panguva iyo sangano reUnited Nations rinopa rubatsiro, reWorld Food Programme, WFP, rakazivisa neChitatu kuti rakanga rakwanisa kuendesa rubatsiro rwechikafu muGaza richishandisa muganhu weIsrael weKerem Shalam kubva muJordan.

Israel, iyo yakapika kuti ichaparadza Hamas, inoti vanhu vanodarika chiuru nemazana maviri vafa kubva zvatanga hondo iyi musi wa 7 Gumiguru uye mauto zana nemakumi matatu nemana afa mukurwisa kwayo nepasi.

Ukuwo, bazi rezvehutano muGaza, iro riri pasi peHamas, rinoti vanhu vanoda kusvika kuzviuru makumi maviri vaurayiwa neIsrael muGaza kubva zvatanga kurwisana uku.

Gurukota rezvekudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika, VaAntony Blinken, vakatiwo Israel ine kodzero yekubvisa kusagadzikana kuri kukonzerwa neHamas pamwe nekuona kuti kufa kwevanhuwo zvavo muGaza kwadzivirirwa.

Nyanzvi munyaya dzekugoverwa kwerubatsiro, uye vakambotungamira sangano re Christian Care, vari mufundisi weUnited Methodist Church, Reverend Forbes Matonga, vanoti chinhu chakanaka chose kuti rubatsiro rwakakwanisa kupinzwa muGaza, asi panofanirwa kutorwa matanho anomisa kurwisana uku zvachose.

Vamatonga vanotiwo panofanirwa kutorwa nzira dzinodzivirira kuurayiwa kwevanhuwo zvavo, dzakafanana nekubvisa vanhu munzvimbo dzine kurwisana vachiiswa kana mumakamba makachengetedzeka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG