Accessibility links

Breaking News

Vamwe Voshora Chirango Chapihwa Pius Jamba weKuuraya Muzvare Ali veCCC


Muzvare Moreblessing Ali
Muzvare Moreblessing Ali

Pius Jamba Mukandi, uyo ane makore makumi matatu nematatu ekuberekwa, nhasi atongerwa kugara mujeri kwemakore makumi matatu nedare repamusoro reHigh Court, mushure mekubatwa nemhosva yekuponda nenhengo yeCCC muzvare Moreblessing Ali muna Chivabvu ku Chitungwiza gore rapfuuura.

Asi gweta, VaFred Masarirevhu, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo chimwe chezvikonzero zvaita kuJamba apihwe mutongo wakareruka chiri kchekuti Jambo ainge akadhakw nedoo nemutoriro vanoona sekuti aifanira kupihwa mutongo wakaomarara nekuti akaratidza hutsinye uye akarwadzisa mufi zvakanyanya.

Vachitura mutongo wavo, mutongi Justice Esther Muremba, vati Jamba uyo akaratidza hutsinye paakuuraya muzvare Ali apunyuka mutongo werufu kana kugara mujeri kwehupenyu hwake hwese nekuti dare ratambira chichemo chake chekuti ainge akadhakwa nedoro nemutoriro apo akapara mhosva iyi.

Gweta rake, VaGarikayi Mhishi, vatiwo vange vachityira kuti anogona kupihwa mutongo werufu.

Vatiwo kunyange abatwa nemhosva, vachapikisa kubatwa kwake nemhosva nemutongo waapihwa kudare reSupreme Court nekuti ari kuti iye haana mhosva yaakapara.

Mutongi vati humbowo hwakapihwa kudare hwakaratidza pachena kuti Jamba ndiye ainge auraya Muzvare Ali uye iye pachake akabvuma kumapurisa akavaratidza zvimwe zvinhu zvaakashandisa pakuponda nekuchecheka cheka mutumbi wemufi.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumhuri yemushakabvu uyewo vange vasikudare nhasi.

Justice Muremba vatiwo dare rakaita rombo rakashata kuti harina kukwanisa kunzwa kubva kumhuri yaAli kuti kupondwa kwake kwakavhiringa mhuri iyi sei sezvo vana vake vasina kubatika kubvira pakapondwa mai vavo vachiti kunyange nhasi chaiko mutumbi memufi hausati wavigwa.

Muzvare Ali akaishakwa musi wa24 Chivabvu mushure mutumbi wake ukazowanikwa musi 11 Chikumi wakachekwa chekwa uri mutsime pedyo nepamba paAmai VaJamba iye Jamba akazozvipira kumapurisa kuHurungwe musi wa16 Chikumi, mushure mekunzwa kuti ainge airi kutsvakwa nenyaya yekushaikwa nekupondwa kwaMuzvare Ali.

Kupondzwa kwaMuzvare Ali kwakakonzera kuratidzira kuChitungiwza zivo zvakazokonzera kusungwa kwegweta remhuri yavo, VaJob Sikhala, avo vachiri mujeri nhanhasi nekuda kwenyanya iyi nedzimwe.

Mutevedzeri wemutauriri weCCC, VaGift Ostallos Siziva, vaudza Studio 7 kuti zvinosuwisa kuti VaSikhala vanoramba vari mujeri asi vaibatsira mhuri yekwaAli kuti iwane chokwdi pakupondwa kwehama yavo.

Vatiwo zvaititka nhasi zvinoratidza zvavagara vachitaura kuti vanhu vari kupambwa vachishunguudzwa nenhengo dzeZanu PF.

Hataina kukwanisa kunzwa kubva kumushandui mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira, sezvo vange vasati vapindura mibvunzo yedu asi imwe nhengo muchikamu chevechidiki chebato iri, VaTaurai Kandishaya vati vaudza Studio 7 kuti zvaitwa neHigh Court zvinoratidza kuti vanopara mhosva vanorangwa zvisinei nekuti uri webato ripi.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaKudzayi Kadzere vaudza Studio 7 kuti vanotambira mutongo wapihwa nedare asi vakati nyaya dzekupambwa nekupondwa kwevanhu hdzinofanira kupera munyika.

CCC iri kushishikana kuti nhengo dzayo dziri kupambwa, kupondwa nekushungurudzwa asi vanoita izvio vasingasungwe asi mapurisa achiti dzimwe dzenyaya idzi dziri kuferefetwa.

Mwedzi wapera imwe nhengo yeCCC, VaTapfumaneyi Masaya vakapambwa kuMabvuku vakawanikwa vakapondwa uye mapurisa anoti achiri kuferefeta nyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG