Accessibility links

Breaking News

Mapurisa kuChitungwiza Anorambidza Musangano weShamwari dzaVaJob Sikhala Avo Vari muJeri reChikurubi


VaJob Sikhala.
VaJob Sikhala.

Mapurisa ekuChitungwiza anonzi ashandisa mutemo unonzi nevamwe unodzvanyirira, weMaintenance of Peace and Order Act, (MOPA) kurambidza gungano ranga rakarongwa kuitwa neshamwari dzenhengo yeCitizens’ Coalition for Change iri muhusungwa, VaJob Sikhala neMugovera paHuruyadzo Community Centre.

Tsamba yabva kumapurisa iyo yaonekwa neStudio 7 ichinzi yanyorwa nemukuru wemapurisa mudunhu reChitungwiza, Chief Superintendent S. Muguti, ichienda kuvarongi vemusangano uyu, veThe Job Sikhala Solidarity Trust, yapa chikonzero chekuti gungano iri rarambidzwa nekuti harizadzise Chikamu 7 chemutemo weMOPA.

Izvi zviri kuuyawo apo mapurisa kuBulawayo air kunzi akanzura mvumo yaakambenge apa kubato rinopikisa reMthwakazi Republic Party yekuti riitewo musangano waro neMugovera muStanley Square Hall.

Mapurisa anonzi apawo zvikonzero zvekuti ari kutyira kuti muguta iri munenge musina kugadzikana kubva Chishanu kusvika neMuvhuro svondo rinouya achiti ane humbowo hwekuti bato reCCC rine hurongwa hwekuratidzira nyika yose.

Mutauriri wemapurisa nyika yose, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati vanga vasati vanzwa nezvekurambidzwa kwemisangano miviri iyi.

Mumwe wevari kutungamira hurongwa hwekurwira kuti VaSikhala vaburitswe muhusungwa uye vari mutauriri weFree Job Sikhala Campaign, VaObert Masaraure, vanoti vashamiswa nedanho tarorwa nemapurisa iri.

"Mapurisa vangopa chikonzero chavagara vachingopa nguva yese, misi nenguva pavanenge vachida kurambidza vagari, ma citizens, kuti vaungane zviri peaceful vachiti ivho notification yenyu haimite zvinotarisirwa nemutemo.

"Dziri nhema chaidzo nekuti pakunyorwa kwe notification yedu takatokumbira maoko emagweta vanonyatoziva mitemo, vaane nguva vachinyora zvinyorwa izvi, saka tinoona kuti chikonzero chavari kuitpa chekutimisa hachiisi icho," VaMasaraure vanodaro.

Vanoti chikonzero chechokwadi chavaona ndechekuti mapurisa anenge anotya vakangonzwa zita rekuti "Job Sikhala," kunyange hazvo VaSikhala vari mujeri.

VaSikhala vava negore nemwedzi mitanhatu vari mujeri reChikurubi Max Prison kunyange hazvo vasina mhosva yavati vabatwa nayo pane dzose dzavari kupomerwa.

Forum

XS
SM
MD
LG