Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyanzvi dzeHupfumi Dzowirirana neWorld Bank Panyaya yeKukura kweHupfumi hweNyika Muna 2024


World Bank
World Bank

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti dziri kuwirirana negwaro rakaburitswa nebhanga repasi rose, reWorld Bank, iro riri kuti hupfumi hwenyika hweZimbabwe huru kukura zvahwo asi gore rinouya huchadzikira kubva pazvikamu zviri kutarisirwa nehurumende pamwe nevamwe vakawanda.

Gwaro rakaburitswa neWorld Bank svondo rapera, iro rinonzi “Electrifying Growth Through Reliable and Universal Energy Access,” riri kuti hupfumi hwenyika huchaderera kubva pazvikamu zvina nezviga zvishanu kubva muzana zvegore rino, 4.5 percent.

Gwaro iri rinoti hupfumi huchenda pazvikamu zvitatu nezviga zvishanu kubva muzana, 3.5 percent mugore rinouya nekuda kwematambudziko akati wandeyi anosanganisira kukwira kwemitengo yezvinhu, kushaikwa kwemagetsi nguva zhinji, pamwe nekusanaya zvakanaka kwemvura zvichikonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze.

Vanoongorora zvehupfumi vachishanda nesangano reCentre for Disabilities and Development, VaMasimba Kuchera vanoti vanowirirana nemaonero egwaro iri.

“Ichokwadi kuti zvinhu zvakaita sekushaikwa kwemagetsi zviri kudzipawo hupfumi. Zvinhu zvakafananawo nekusave nemvura yakakwana yekunaya zvinodzipa hupfumi,” vanodaro VaKuchera.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishandira vari kuBritain, Muzvare Chenaimwoyo Mutambasere, vanotiwo kunyange hazvo hupfumi hwenyika huri kunzi huri kukura, hahusati hwasvika panotarisirwa kuti hupkwanise kuraramisa veruzhinji nekuda kwekurasika kwehupfumi hwenyika.

“Hazvisi kureva kuti economy yeZimbabwe yasvika painofanirwa kunge yasvika kuti vanhu veZimbabwe vararame zvakanaka. Ukuwo, hupfumi hwenyika yeZimbabwe huri kuramba huchirasika nekuda kwekuti hurongwa hweyavari kuti macroeconomic policy haina kumira zvakanaka. Izvi zvinitarisira nyaya ye currency yemari yenyika, nyaya dzema exchange rates enyika.”

World Bank mugwaro iri iri kukurudzira kuti Zimbabwe ikwanise kurwisana nezvimhingamipinyi zvairi kutarisana nazvo mune zvehupfumi.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute, Doctor Prosper Chitambara vanopindawo vachiti nyika ichiri kure kuti isvike pakukura kwehupfumi kuri kukurudzirwa neWorld Bank.

“Ma current rates atiri kuona haaite kuti tikurumidze ku achiever vision yenyika. Tinofanira kutoti wedzereyi ma growth rates iwayo, because World Bank vari kuti 15 percent, isu tatangosvika pa 10 percent then toita sustain 10 percent iyoyo,” vanodaro Doctor Chitambara.

Saka hurumende ingagadzirisa here zvimhingamipinyi izvi? Nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa pa Devry University mudunhu re Ohio vane maonero akasiyana nevamwe vachiti, “Zviri kukurudzirwa neWorld Bank kuti hurumende yeZimbabwe izvigadzirise kuti hupfumi hubudirire hweZimbabwe zvinenge zvichanetsa chaizvo kuti hurumende yeZimbabwe izvigadzirise izvozvo tichitarisa ike zvino izvi kuti kune dambudziko guru rakagetsi.”

Muono weWorld Bank uyu uri kuenderana nemuono wakaitwa negurukota rezbemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, avo vakatiwo kukura kwehupfumi hwenyika muna 2024 kuchadzikira kuenda pazvikamu zvitatu nezvishanu kubva muzana huchibva pazvikamu zvishanu nezviga zvishanu kubva muzana zvegore rino.

Vakati izvi zvichauya nekuda kwekuderera kwegoho regore rinouya zvichikonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura nekuda kwekushanduka kwemamiriro ekunze, kana kuti El Nino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG