Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vopesana Maonero paKukosha kweZuva reKubatana, reUnity Day


Vatungamiri vakanyorerana chibvumirano chekubatana, VaRobert Mugabe naVaJoshua Nkomo.
Vatungamiri vakanyorerana chibvumirano chekubatana, VaRobert Mugabe naVaJoshua Nkomo.

Apo nemusi weChishanu svondo rino nyika ichange ichicherechedza zuva rekubatana kwevana veZimbabwe, kana kuti Unity Day, vechidiki vari kupa miwono yakasiyanasiyana pamusoro pekukosha kwezuva iri, vamwe vachiti richakakosha zvakanyanya, asi vamwewo vachiti hukoshwa hwaro hwapera makore ano.

Mushure mekuurayiwa pamwe nekushungurudzwa kwevanhu vakawanda kusanganisira vatungamiri vebato raipikisa rePF-ZAPU, mugore ra1987, vatungamiri vemapato anoti ZANU (P.F.) nePF-ZAPU vakasayinirana chibvumirano chekubatana senzira yekuunza runyararo.

Zviuru nezviuru zvevanhu, kunyanya vaitaura rurimi rweIsiNdebele mumatunhu eMidlands neMatabeleland, zvakaurayiwa nemauto ehurumende zvichipomerwa mhosva yekuda kupandukira hurumende.

Pakunyorerana chibvumirano ichi, PF-ZAPU yaive yakamirirwa nevaive mutungamiri wayo, mushakabvu VaJoshua Mqabuko Nyongolo Nkomo, kuchitiwo ZANU (P.F.) yakamirirwawo nevaive mutungamiri wayo uye vakave mutungamiri wehurumende yevatema wekutanga muna 1980, vakazove mutungamiri wenyika muna 1987, mushakabvu VaRobert Mugabe.

VaNkomo naVaMugabe
VaNkomo naVaMugabe

Chibvumirano ichi chichiri kupembedzwa nevakawanda vachiti chakaunza runyararo mumatunhu akanga achinzi aiurayiwa vanhu, kunyanya vatsigiri vebato rePF-ZAPU kana vainonekwa sevakarerekera kuna VaNkomo.

Asi nekupindana kwemazuva, vamwe vechidiki vanhasi vakaita saVaAlbert Chidhakwa avo vanotsigira bato rezvematongerwo enyika reMDC, vave kuona nemumwe muono vachiti havaoni kukosha kwechibvumirano ichi.

“Isu sevechidiki hationi zuva iri rakakosha nekuti tinotarisira kuti kubatana kubve pasi pemwoyo chaipo kwete kana paine moto unoda kudzimurwa chete.

"Mukatarisa chibvumirano chemuna 1987 chakauya mushure mekunge vanhu vakawanda vaurayiwa. Kuchitiwo muna 2008, takaita hurumende yemubatanidzwa mushure mesarudzo dzakanga dzakaipisisa.

"Isu tinovimba kuti bato riri kutonga rinofanira kugara pasi nemunhu wese, kusanganisira vanotengesa mumigwagwa, mamwe mapato ezvematongerwo enyika, vemabhizimusi, zvichienda zvakadaro, kuitira kuti pave nekubatana kwemazvirokwazvo, nyika ienderere mberi.”

Asi mumwe wechidiki, ari nhengo yeCCC, uye ari mumiriri mudare reNational Assembly, VaTakudzwa Ngadziore, vanoti zuva iri mucherechedzo wekuti vana veZimbabwe vanofanira kubatana.

“Zuva iri rinotiratidza kuti pane nguva dzatinosvika dzekuti vanhu vanofanira kumbobvisa mabhachi avo akasiyana-siyana, voisa misoro pamwechete kuti zvinhu zviende mberi. Izuva ratinorangarira kuti kunyange miwono yedu yakasiyana, tikabatana tinokunda. Vechidiki vanofanira kugamuchira hukoshwa hwekubatana kuti nyika yedu ienderere mberi.”

Mumwe zvekare wechidiki, ari mubato reZanu PF, VaPeter Matangi, vanoti zuva reUnity Day harineyi nezvematongerwo enyika.

“Sekuziva kwenyu, mutungamiri wenyika ari kugara achikurudzira vanhu vemuno, uyewo vekunze, kuti vauye kuzobatana nehurumende yedu kuti tibatirane mukusimudzira nyika yedu. Zvinoratidza kuti vanokoshesa kubatana kwevanhu munyika, kunova kwatinodzidzawo kubva muchibvumirano cha1987.

"Ndinoti kune vechidiki, zuva iri rine nhoroondo inotidzidzisa kuti tisiyane nekuti ndinobva kuimba ipi mune zvematongerwo enyika, asi kuti tiuye pamwechete tivake nyika yedu yeZimbabwe.”

Asi wechidiki anorwira kodzero dzevamwe vake vechidiki, uye ari kusangano reActivista, Muzvare Caroline Mutimbanyoka, vanoti vechidiki vakawanda munyika havaoni kukosha kwezuva reUnity Day.

Muna 2009 VaMorgan Tsvangirai naVaRobert Mugabe vakaumbawo hurumende yemubatanidzwa.
Muna 2009 VaMorgan Tsvangirai naVaRobert Mugabe vakaumbawo hurumende yemubatanidzwa.

“Zvinoita sekuti zuva iri rakangogadzirirwa vanhu vashoma nechinangwa chekuda kuvharidzira zvaive zvaitika kuma1985. Asi kuti rive nechirevo kwatiri tese, kunyanya isu vechidiki, panoda kutorwa matanho ekuti tikwanise kugamuchira kukosha kwekubatana.

"Pari zvino zvinoita sekuti izuva rine chekuita nezvematongerwo enyika, asi ndinofunga kuti kubatana kunoraudzira nyaya dzezvematongerwo enyika. Vechidiki vakawanda havasi kuona kukosha kwezuva iri.”

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvevechidiki, VaTino Machakaire sezvo nharembozha yavo yanga isiri kupinda.

Studio 7 yaedzawo kunzwa divi rehurumende panyaya iyi, asi gurukota rebazi rinoona nezvekubuditswa kwemashoko VaJenfan Muswere, pamwechete nemunyori mubazi iri, VaNick Mangwana, vanga vasiri kudavira mbozhanhare dzavo.

Asi wechidiki, uye ari mukuru wesangano rinoshanda nevechidiki, reYouth Vibes Afrika, Muzvare Ruvarashe Miti, vanoti chibvumirano chekubatana chakaitwa muna 1987, chiri kubatsira vechidiki zvakanyanya.

“Kutaura kuno, vechidiki vave kuziva kuti kubatana kwakakosha nekuti tinoona kunyange kubudikidza nemumabasa chaimo, zviri kuendeka kana vanhu vakabatana. Vechidiki vanosungunuka kushanda nemamwe marudzi emuno munyika, nemamwe ekunze nekuti vanonzwisisa kukosha kwekushanda vanhu vari pamwechete. Saka mbeu ya1987 iri kuramba ichibereka zvibereko zvinoyemurika chose, zverunyararo nekubatana.

Dzimwe nyanzvi dzinowongorora nyaya dzevechidiki dzinoti nekuda kwekuoma kwehupenyu munyika, vechidiki havachisina hanya nekupemberera mazuva akaita seUnity Day, nekuti vanenge vari mubishi rekutsvaga zvingavapa raramo.

Mhemberero dzezuva rekubatana iri dzegore rino dziri kutarisirwa kuitirwa muHarare, apo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutarisirwa kutura mashoko semukokwa anoremekedzwa pagungano iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG