Accessibility links

Breaking News

Mauto eIsrael Anoti Awana Mitumbi yeMauto Pamwe neweMunhuwo Zvake Apo Hondo Pakati peIsrael neHamas Iri Kuenderera Mberi


Israel Palestinians
Israel Palestinians

Mauto eHurumende yeIsrael, eIsrael Defense Forces, neChishnu azivisa kuti masoja awana mitumbi miviri yemasoja nemumwechete wemunhuwo zvake akanga akatapwa neHamas payakarwisa Israel musi wa 07 Gumiguri.

Kurwisana muGaza pakati pemauto eIsrael neHamas, iyo inonzi neAmerica chikwata chematororo, kwaenderera mberi panguva iyo America iri kukurudzira Israel kuti iburitse pachena hurongwa hwayo hwehondo.

Ukuwo, dare rekuNetherlands rapa mutongo wekuti nyika iyi inokwanisa kuramba ichitumira midziyo yekugadzirisa ndege dzehondo kuIsrael.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anga achiedza kumisa kuendeswa kwezvekugadzirisa nazvo ndege dzehondo dzerudzi rweF-35, achiti midziyo iyi iri kushandiswa nenzira dzinotyora mitemo yepasi rose muhondo iri paIsrael ne Hamas.

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG