Accessibility links

Breaking News

Vari Kuzviti Ndivo Munyori Mukuru weCCC, VaTshabangu, Vanodzinga Zvakare Meya weHarare, Kanzura Chitengu


Vanga vari meya weHarare, VaLovejoy Chitengu, avo vadzingwa naVaTshabangu.
Vanga vari meya weHarare, VaLovejoy Chitengu, avo vadzingwa naVaTshabangu.

Vari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webato reCitizens’ Coalition for Change, VaSengezo Tshabangu, vanonzi vadzinga zvakare meya mutsva weguta reHarare, VaLovejoy Chitengu, vachivati havachisiri nhengo yebato rinopikisa iri.

VaChitengu, vanove kanzura weWard 36, vadzingwa vasati vakwanisa mwedzi vari muhofisi mushure mekutsiva vaive meya vakazodzingwa zvakare naVaTshabangu musi wa 13 Mbudzi, VaIan Makone. avo vakanga vangogara kuhofisi kwemwedzi miviri.

VaChitengu vaifanirwa kudzingwa nguva iwechete naVaMakone asi vakapona nepaburi retsono sezvo zita ravo mutsamba yekuvadzinga rakakanganiswa kunyorwa.

Asi izvi zvinonzi zvazogadziriswa naVaTshabangu zvakatambirwa negurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaWinston Chitando, avo vanonzi vazonyorera kanzuru tsamba vachiizivisa nezvidanho iri.

Vanozviti ndivo mutewedzeri waVaTshabangu, VaAlbert Mhlanga, vaudza Studio 7 kut ichokwadi kuti VaTshabangu vakagadzirisa tsamba yekudzinga VaChitengu mubato reCCC.

Kudzingwa kwaVaChitengu uku kuri kuuya kunyange hazvo dare reHigh Court rakapa mutongo unomisa kuenderera mberi kwekudzingwa kwenhengo dzebato rinopikisa iri.

Studio 7 yaedza kubata VaChitando kuti tinzwe divi ravo, asi vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG