Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Makumi Mana neVashanu (45) Vakaurayiwa Muna 2023


Gaza Journalist Killed
Gaza Journalist Killed

Rimwe sangano rinorwira kodzero dzevatori venhau reReporters Without Borders kana kuti RSF razivisa nhasi kuti huwandu hwevatori venhau vakauryiwa gore rino vachiita bsa wati dererei zvichienzaniswa negore rapera.

Mumwedzi gumi nemumwe yegore rino, vatori venhau makumi mana nevashanu- 45 vakaurayiwa zvichienzaniswa nemakumi matanhatu nemumwe- 61 gore rapera. RSF inoti hayo pane vamwe vatori venhau makumi matanhatu nevatatu vakaurayiwa kuMiddle East kubva zvatanga hondo pakati peIsrael nechikwata cheHamas musi wa 7 Gumiguru asi vange vasiri kuita basa.

Asi RSF inoti pane vatori venhau vakaurayiwa vari pabasa gumi nevamomwe vakaurayiwa neIsrael neHamas vari pabasa uye vakatoendesa nyaya idzi kuInternational Criminal Court vachiri imhosva dzehondo. Israel ndiyo iri kupomerwa mhosva yekuuraya vakawanda vacho.

Mexico ndiyo inonzi nzvimbo yakaipisisa kushanda kune vatori venhau. Nyika dzakaita seChina, Belarus neMyanmar ndidzo dzine vatori venhau vakawanda vari mumajeri.

Mukuru werimwe sangano rinorwira kodzero dzevatori venhau reMISA-Zimbabwe Doctor Tabani Moyo vati vanouraya vatori venhau vanofanira kurangwa zvakaomarara.

Forum

XS
SM
MD
LG