Accessibility links

Breaking News

Kushaya Simba kweDhora reMunyika Kwokonzera Kukwira kweMitengo yeZvinhu Zvakawanda muZvitoro


Mutengo wemari yekunze kuchitoro chePick n Pay.
Mutengo wemari yekunze kuchitoro chePick n Pay.

Panguva iyo nyika yapinda mumweya wemufaro unounzwa nezororo guru reKisimusi negoredzva, vatengi vakawanda vari kuchema kuti mitengo yedhora rekuAmerica muzvitoro zvikuru zvenyika iri kukwira zvakanyanya kana zvichienzaniswa nemutengo wedhora rekuAmerica kumabhanga, kunyange hazvo vezvitoro vachibvumidzwa kuisa zvikamu gumi kubva muzana pamusoro pemutengo wekumabhanga uyu.

Veruzhinji vari kuchema kuti kukwira zvakanyanya kuri kuita dhora rekuAmerica muzvitoro uku kuri kuitawo kuti mitengo yezvinhu, kunyanya inotarwa iri mumadhora emunyika, ikwire zuva nezuva.

Munyori mukuru wesangano guru rinomirira vashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti izvi zviri kukuvadza vashandi zvakanyanya nekuda kwekuti mihoro yavo haisi kukwira zvinoenderana nekukwira kuri kuita mitengo yezvinhu muzvitoro.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa paDurban University of Technology muSouth Africa, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti dambudziko rinowanza kuitika kana mitengo yedhora rekuAmerica yakwira kumusika mutema nderekuti vashandi vanenge vave kupiwa mihoro iri pasi zvakanyanya sezvo vachipiwa mihoro iyi ichitarwa nemutengo wedhora rekuAmerica kumabhanga, kwete pamusika mutema.

Mutengo wehupfu kuPick n' Pay.
Mutengo wehupfu kuPick n' Pay.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vari muzvinabhizimusi uye vakambotungamira sangano revemabhizimusi, reConfederation of Zimbabwe Industries (CZI), Doctor Callisto Jokonya, vanoti kukwira kwemitengo zvakanyanya uku kunogona kunge kuri kukonzerwa nekuti vatengi vanenge vawanda nekuda kwezororo.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute, Doctor Prosper Chitambara, vanoti kushaya simba kwedhora remunyika uku hakungokanganise vashandi chete, asi kuti kunokanganisawo nehurumende zvekare sezvo ichitara bhajeti rayo riri mumari yemunyika.

Saka dambudziko iri ringagadziriswa sei? Doctor Jokonya vanodzoka vachiti dambudziko iri rinogadziriswa chete nehurumende, kana yakave nekuzvipira.

Kune chimwe chitoro chikuru chemunyika, dhora rekuAmerica rimwe chete ranga riri pamadhora emunyika zviuru zvitanhatu zvine mazana mana nemakumi maviri nematatu.

Kumusika wemari yekunze weReserve Bank of Zimbabwe, mutengo wedhora rekuAmerica watarwa neChipiri wesvondo rino wasvika pamadhora zviuru zvishanu zvine mazana mapfumbamwe nematatu.

Mutengo wemupunga kuPick n' Pay.
Mutengo wemupunga kuPick n' Pay.

Pamusika mutema mutengo wedhora rekuAmerica unonzi wakwira mutarara sezvo dhora rekuAmerica ranga richitengeswa nemitengo iri pakati pemadhora emunyika zviuru gumi nezviuru gumi nechimwe.

Kunze kwekunge patorwa matanho akasimba anogadzirisa dambudziko iri, zvinhu zvinonzi nedzimwe nyanzvi mune zvehupfumi zvicharamba zvichiondomoka munyaya dzehupfumi.

Ukuwo, mihoro inonzi icharamba iri pasi sezvo vashandi vakawanda munyika vachinzi vari kutambira mihoro iri pakati pamadhora ekuAmerica zana nemakumi mashanu kusvika kumadhora zana matatu pamwedzi, vazhinji vavo kusanganisira vashandi vehurumende vachipiwa mihoro yavo iri mumadhora emunyika kana yakasanganiswa dhora emunyika nedhora rekuAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG