Accessibility links

Breaking News

Mapurisa emuSouth Africa Anosunga Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zvanga Zvichiedza Kupinda muNyika Iyi Zvisiri paMutemo


Mapurisa eSouth Africa.
Mapurisa eSouth Africa.

Mapurisa edunhu reLimpopo muSouth Africa anoti abata mabhazi madiki anga akatakura zvizvarwa zveZimbabwe zana nemakumi matatu, 130, zvisina magwaro ekufambisa zvanga zvichiedza kupinda munyika iyi zvisiri pamutemo.

Mutauriri wemapurisa edunhu reLimpopo, Brigadier Hlulani Mashaba, vaudza vatori venhau kuti pavanhu ava pane vana makumi manomwe nevanomwe, 77, vane makore ari pakati pemwedzi mitanhatu nemakore gumi nemanomwe.

Vati mabhazi aya ane nhamba dzemuSouth Africa uye anga achityairwa nezvizvarwa zveSouth Africa zvabva zvangosungwa.

Mabhazi aya anonzi anga akananga kuPolokwane.

Izvi zviri kuuya mazuva mashoma south Africa yazivisa zvakare kuti yakamisa vana mazana mana nemakumi mana vekuzimbabwe vaipinda munyika iyi vasina muperekedzi.

Asi hurumende ye Zimbabwe yakaramba mashoko aya.

Forum

XS
SM
MD
LG