Accessibility links

Breaking News

Bato reCCC Roenda kuSupreme Court Richipikisa Mutongo weKurambidza Nhengo Dzaro Kukwikwidza Musarudzo neMugovera


Dare reHighCourt muHarare nhasi rapa mutongo wekuti nhengo dzebato rinopikisa dzeCitizens Coalition for Change dzakadzingwa nevanozviti munyori mubato iri VaSenzezo Tshabangu hadzifanirwi kukwikwidza pasarudzo dzirikuzoitwa nemusi weMugovera.

Asi nhengo idzi dzabva dzakwira kudare repamusoro reSupreme Court dzichipikisa mutongo uyu.

Mutongi wedare Justice Never Katiyo vati kunyangwe dare reNomination Court rainge ratambira mazita enhengo dzeCCCC makumi maviri nembiri, nhengo idzi hadzifanire kubvimidzwa kukwikwidza uye mazita avo anofanira kubviswa pagwaro rekuvhotera.

Rimwe remagweta anga achimiririra VaSengezo Tshabangu VaQobani Sithole vati vatambira nemufaro mutongo uyu.

VaSithole vatiwo kunyangwe zvazvo varuza nyaya vachikwanisa kukwira kudare repamusoro reSupreme Court hazvibvisi mtongo wapiwa nhasi.

Asi vachinyora padandemutande ravo reX, mumiriri weMt Pleasant mudare reparamende vari gweta, Muzvare Fadzayi Mahere vanoti kana munhu akaenda kudare repamusoro chikumbiro chake chikatambirwa zvinoreva kuti mutongo wedare repasi unombosendekwa parutivi.

Vati izvi ndizvo zvakambotarwa nedare panyaya yakakwidzwa kudare mukuru wematare VaLuke Malaba negweta rinorwira kodzero dzevanhu Doctor Musa Kika. VaKika vaipikisa danho remutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa rekuwedzera makore ekuti munhu arambe ari mutongi mukuru wematare asati aenda pamudyandigere.

i8721Mutauriri webato reCCC VaPromise Mukwananzi vati mutongo uyu unoratidza pachena kuti matare akarerekera kudivi reZanu PF.

Izvi zvatsinhirwa naVaTendai Reuben Mbofana vanotungamirira sangano reNetwork for Social Justice.

Asi munyori aboona nezvematongerwo enyika muZanu-PF Youth League VaTaurai Kandishaya vati zviri kuitika izvi hazvinei neZanu PF..

Mukuru anoona nezvesarudzo muZimbabwe Electoral Commission VaUtoile Silaigwana vati kunyangwe zvazvo vanga vasati vaona mutongo uyu vachatevedzera zvaturwa nematare.

Mune imwewo nyaya yanga irikumatare edzimhosva VaSengezo Tshabangu vanzi nematare vambomira kuramba vachidzinga nhengo dzeCCC. Izvi zvatsigirwa negweta reCCC VaObey Shava. VaSithole vatiwo vatambira mutengo uyu vachiti vachamirira kusvika nyaya dzirikumatare dzapera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG