Accessibility links

Breaking News

Dare Rosendeka Parutivi Kupa Mutongo paNyaya yaVaTshabangu Yekuda Kuti VeCCC Vakadzingwa Vasakwikwidze muSarudzo


Mutongi wedare repamusoro reHigh Court VaNever Katiyo nhasi vambosendeka parutivi mutongo wavo panyaya yakakwidzwa kumatare nevari kuzviti ndivo munyori mukuru webato reCitizens Coalition for Change kana kuti CCC VaSengezo Tshabangu yekuda kurambidza nhengo dzebato iri dzavakadzinga mudare reparamende nemakanzura kukwikwidza musarudzo dziri kuitwa nemusi weMugovera.

Magweta eCCC anoti ari kushamisika nezviri kutaurwa naVaTshabangu sezvo musarudzo dzemuna Nyamavhuvhu vanhu vavaitsigira vakabvumidzwa neZEC kukwikwidza musarudzo.

Mune imwe nyaya, dare repamusoro rati richanzwa nemusi wa15 Zvita nyaya yedzimwe nhengo dzeCCCC dzakaendesa mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda kudare vachiti vakatyora mutemo nekuvadzinga mushure mekunge dare ratonga kuti VaTshabangu vambomira kudzinga nhengo dzebato iri dare risati ratonga kuti vane kodzero yekuita izvi here.

Forum

XS
SM
MD
LG