Accessibility links

Breaking News

Sangano reCOZDA Roita Mabiko eKisimusi eKuunganidza Nawo Mari yeKubatsira Vanotambura


Coalition For Zimbabweans in The Diaspora, COZDA
Coalition For Zimbabweans in The Diaspora, COZDA

Sangano rinomirira zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica, reCoalition For Zimbabweans in the DC Area, COZDA, riri kuita mabiko eKisimusi ekuunganidza mari neMugovera 09 Zvita, 2023, mumusha weGaithersburg mudunhu reMaryland.

Sachigaro wesangano iri, VaJonah Masiya, vanoti mari ichaunganidzwa pamabiko aya ichaendeswa kuzvirongwa zvavagara vachibatsira zvakaita sekubhadharira mari dzechikoro vana vari kuZimbabwe vanoshaya, pamwe nevamwe vatsva vanoda rubatsiro vavakawana kutanga iye zvino.

VaMasiya vanoti vachabatsirawo vamwe vanhu vanoda rubatsiro vari muAmerica, kusanganisira chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muchipatara chakabva kumusha muna Nyamavhuvhu gore rino chiri muchipatara.

Vanoti chizvarwa cheZimbabwe ichi chakaenda kuchikoro kuAmerica asi chakasvikosangana netsaona yemumugwagwa zvaita kuti chigare muchipatara kwenguva ndefu.

Vachange vachienda kumabiko aya vanonzi vanotarisirwa kubhadhara madhora makumi mashanu pamunhu, iyo ichange ichisanganisira chikafu.

Mabiko aya ari kuitirwa paCasey Community Centre, 810 South Frederick Ave, Gaithersburg, Maryland, 20877, uye ari kutanga nenguva dza 7 manheru.

Sangano reCOZDA rine vana vakawanda variri kubatsira vanosanganisira vari muzvikoro zvepasi nezvepamusorosoro zvakaita seUniversity of Zimbabwe, Chinhoyi University of Technology, Midlands State University neGreat Zimbabwe University kuMasvingo.

VaMasiya vanoti vanotenda chose vana veZimbabwe vagara vachivabatsira kuburikidza nezvikwanisiro zvinosanganisira mari.

Gore negore sangano iri rinoita mabiko ekuunganidza mari dzekushandisa muzvirongwa zvaro.

Vanoda kubatsira vanokwanisa kushandisa tsambambozha yesangano reCOZDA inoti cozda@cozda.net.

Munokwanisawo kuona mabasa avari kuita kuburikidza nedandemutande ravo rinoti https://cozda.net/.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG