Accessibility links

Breaking News

ICC Yoyambira veIsrael neHamas Kuti Vasauraye Vanhuwo Zvavo


Hondo pakati peIsrael nechikwata cheHamas iri kuenderera mberi sangano reUnited Nations richiti vanhu vanodarika zvikamu makumi masere kubva muzana vari mugaza vari muhupoteri.

Muchuchusii wesangano reInternational Criminal Court ICC VaKarim Khan vakazivisa nezuro kuti Israel neveHamas vanofanirwa kuteedzera mitemo inochengetedza vanhuwo zvavo vari kubatanidzirwa muhondo nyanya muWest Bank.

Sangano iri rinoti riri kuferefeta zviri kuitwa munzvimbo iyi nemauto eIsrael neHamas kuti zviri pamutemo here.

America inotsigira Israel uye inoona Hamas sechikwata chematororo.

Nyanzvi inowongorora zvehupfumi nezvamatongerwo enyika uye vari Muzvinafundo pachikoro chepamusoro cheDeVry University VaElliot Masocha vanonoti zvakakosha kuit nhaurirano dzekuchengetedza kwerunyararo dzienderere mberi kuitira kuti hondo iyi ipere.

"Zvinoshungurudza kuti nhaurirano dzerunyararo dzakambomiswa, asi tinoshuwira kuti dzienderere mberi pawanikwe pachibuda runyararo munguva pfumi inotevera," Muzvinafundo Masocha vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG