Accessibility links

Breaking News

Qadr Amini weNgezi Platinum Stars Anosarudzwa Kuve Mutambi weNhabvu Akatamba Zvinodadisa muMwaka wa2023


Ngezi Platinum Stars
Ngezi Platinum Stars

Qadr Amini weNgezi Platinum FC ndiye akasarudzwa kuve mutambi akatamba zvinonwisa mvura gore rino, kana kuti Castle Lager Soccer Star of the Year 2023, pamabiko akaitirwa muHarare neChsianhu manheru.

Mutambi wekutanga akamutewera, kana kuti first runner-up, ndiDonald Mudadi weDynamos FC, achizoteverwa naObriel Chirinda weBulawayo Chiefs FC.

Murairidzi we Ngezi Platinum Stars, Takesure Chiragwi ndiye akatora mukombe wemurairidzi akashura mare, kana kuti Coach of the Year.

Takunda Benhura weNgezi Platinum Stars zvakare ndiye akatora mukombe wekunwisa zvibodzwa zvakawanda kudarika vamwe.

Pamusoro pezvo, Ngezi Platinum Stars yakabva yagashidzwa mukombe we ligi wegore rino.

Tinoti Makorokoto kuna Amini, Ngezi Platinum, pamwe nevese vakawanda mibairo.

Vatambi vakatamba zvinonwisa mvura pamwe nemuraidzi akakunda vamwe vose vanosarudzwa nevanyori venhau dzemitambo, vatungamiri vevatambi pamwe nevaraidziri vanhabvu.

Forum

XS
SM
MD
LG