Accessibility links

Breaking News

Hondo Pakati peIsrael neHamas Inotanga Zvakare Mushure Mekumbomira kweMazuva Manomwe


Hutsi hwasimuka muGaza huchionekwa kubva kumuganhu neIsrael.
Hutsi hwasimuka muGaza huchionekwa kubva kumuganhu neIsrael.

Kurwisana pakati peIsrael neHamas kwatanga zvakare muGaza mushure mekumbenge kwamira kwemazuva manomwe.

Hondo iyi yakambomiswa kuitira kupa mukana wekuregererwa kwezvizvarwa zveIsrael zvakatapwa neHamas uye kuregererwa kwevari muhusungwa mumajeri eIsrael pamwe nekupa mukana wekupinda kwerubatsiro muGaza.

Hurumende ye America yakatara Hamas sechikwata chematororo.

Mauto eIsrael, eIsrael Defense Forces, azivisa nhasi Chishanu kuti kuenderera mberi kwekurwisana uku kunotevera kutyorwa neHamas kwechibvumirano chekumbomisa hondo kwenguva diki nekukanda zvombo muIsrael.

Bazi rezvehutano mu Gaza, iro riri pasi peHamas, rinoti vanhu vangangosvika makumi maviri nevatatu vafa mumaawa ekutanga kwekurwisana uku nhasi.

Forum

XS
SM
MD
LG