Accessibility links

Breaking News

VaNcube Voparura Bhajeti re58, 2 Trillion


Muzvinafundo Minister Mthuli Ncube
Muzvinafundo Minister Mthuli Ncube

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube nhasi vaparura hurongwa hwebhajeti regore rinouya remadhora emunyika anosvika 58.2 trillion vachiti vanotaririsira kuti hupfumi huchakura nezvikamu zvitatu nezvishanu kubva muzana

Muzvinafundo Ncube vati vanotarisira kuti hurumende ichawana 53.9 trillioon yemari mari yemuno kubva kumitero yakasiyana siyana uye vati hupfumi hausi kuzokura sezvahwakaita gore rino nekuda kwenzara iri kutarisirwa nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura pamwe nekudzika kwemitengo yezvicherwa pamisika yepasi rese.

Vati mari zhinji ichaenda kumihoro yevashandi, kugadzira migwagwa, kuvaka madhamu pamwe nekuona kuti vanhu vagara zvakanaka. “Ndinotarisira kuweeezdzera mari isingabatirwe mutero kusvika pa760 000 pamwedzi uye pa9 million pagore.” VaNcube vaudza dare reparamende.

Muzvinafundo Ncube vaisawo matanho akawanda ekuwanisa mari kuhurumende akaita sekuwedzera mitero pakutenga mota, matoll gates nezvimwe.

Vatiwo vane mabhizimisi madiki neari pakati nepakati vasina kunyoresa neZIMRA kana kuti vasingabhadhare mitero havachabvumidzwa kutenga muzvitoro zvikuru kana kuti maWhosale kana kubva kumakambani anogadzira zvinhu.

Vanokokera nhengo dzeZanu PF muparamende, VaPupurayi Togarepi varumbidza bhajeti vachiti rakanakira munhu wese. VaTogarepi vati, “Handisati ndamboona bhajeti rakarongeka kudaro."

Asi vanokokera nhengo dzebato reCCC mudare reparamende, VaClifford Hlatshwayo vashora bhajeti iri vachiti rinoomesera varombo. Vati, "Tingati bhajeti raturwa iri rinoratiudza kuti VaNcube havana hanya nevanhu. " Vatiwo, "Havanei nevarombo, nekusimudzira hupenyu hwevanhu. Isu munoziva kana tichiita zvinhu zvedu tinenge tichiti nyika ino ndeye munhu wese chinenge chawanikwa chinofanira kupihwa munhu wese . Keke riripo ngaripihwe munhu wese.”

Mukuru webhanga guru renyika, Doctor John Mangudya vati zvaitwa naVaNcube zvaratidza kuti hakuna mari inobva kunze ndosaka vari kuunganidza mari kubva kumitero mukati menyika.

“Bhajeti ranhasi rinotiratudza kuti mari inonets kunze mari inobva kuvanhu ichienda kuhomwe yehurumende ichienda kumigwagwa, madhamu nekuti mari iri kunetsa kunze uko.”

Izvi zvatsigirwawo nevanoongorora nyaya dzehupfumi, VaPersistence Gwanyanyanya vanova chipangamazano cheRBZ.

Asi nyanzvi munyaya dzezehupfumi vachishanda neDurban University of Technology Muzvinafundo Gift Mugano vati VaNcube varasika gwara uye vaisafanira kuita bhajeti remadhora emunyika asina ari kuashandisa.

Muzvinafundo Mugano vati, "“Munhoroondo yenyika ino tingati iri ndiro bhajeti rakashatisa zvakanyanya nekuti kunze kwekuti gurukota rezvemari rishandise madhora eku America vari kuita bhajeti remari yemuno zvekuti unoshaya kuti mari yacho ichashandiswa nani kutoomesera vashandi kwavaita”

Izvi zvatsinhirwa, nemunyori mukuru mune rimwe sangano rinomirira varairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe VaRaymond Majongwe. VaMajongwe vati, “Tingati isu tange tichitarisira kuti vachatura bhajeti remadhora ekuAmerica nepamusana pekuti ndiyo mari iri kushandiswa nekuti pavakabuda vachiti vavee kushandisa madhora eku America taifunga jytu mabhejeti avo ane ari mumadhora eku America. Saka zvavatura nemadhora emuno zvinorwardza zvakanyanya nekuti tinotootana kuti tirio kumhanya pakarimwa.”

VaNcube vazivisawo kuti mari dzekubatsirikana dzange dziri kupihwa vashandi dzedenda reCovid kana kuti Covid Allowance dzave kuiswa pamihoro uye dzave kubatirwa penjeni.

Mapazi apihwa mari yakawanda anosanganisira redzidzo yepasi rawana 8 trillion, rehutano rawana 6.3 trillion pamwe nerekurima rawawaa 4.3 trillion.

VaNcube vati bhajeti ravo riri pasi pemari dzaidiwa nemapazi ehurumende ayo aida mari inodarika 1000 trillion, asi vakati vanovimba kuti achakwanisa kuita mabasa awo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG