Accessibility links

Breaking News

Vakuru muHurumende neZanu-PF Voramba Kuti VaMnangagwa Vadzinga Basa VaChiwenga


Vamwe vakuru vakuru muhurumende nemuZanu-PF vari kuramba mashoko ekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vadzinga basa mumwe wevatevedzeri wavo VaConstantino Chiwenga. Izvi zvinotevera vhidhiyo iri kutenderera pamadandemutande ichinzi ndeyeSABC.

Vakuru muhurumende neZanu-PF vati havasi kuda kutaurwa nemazita avo asi vakasimbisa kuti hapana kushandurwa hutungamiri.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko dzinoti vhidhiyo iyi inenge mubikirwa sezvo isiri pamadandemutande ose inhepfenyuro iyi.

Basa raVaChiwenga pamashoko ari kutenderera range richinzi rapihwa Amai Oppah Muchinguru Kashiri.

Asi kunyangwe mashoko ari kutenderera ari kunzi haana chokwasi, vamwe mubato reZanu-PF vanoti zvinhu hazvina kugadzikana sezvo paine kunetsana pakati pevanotsigira VaMnangagwa nevanotsigira VaChiwenga.

Vaviri ava vakatora masimba mushure mekunge vapidigura hurumende yevaive mutungamiri wenyika mushakabvu Robert Mugabe.

Forum

XS
SM
MD
LG