Accessibility links

Breaking News

Hondo Pakati peIsrael neHamas Yoenderera Mberi Chibvumirano Chekuti Vakapambwa Varegererwe Chichitadza Kuremekedzwa


Israel Palestinians
Israel Palestinians

Chibvumirano chekuti vamwe vatapwa vakatapwa neHamas nevasungwa vekuPalestine vari muIsrael avo vange vakatarisirwa kuregererwaa nhasi hachina kuzobudirira. Asi nhaurirano dzichiri kuenderera mberi kuti izvi zviitike mangwana.

Chibvumirano chekumbomisda hondo kwemaawa mana change chichitarisirwa kuitwa nhasi hachina kubudirira.

Pasi pechibvumirano ichi vamwe vatapwa vanosvika makumi mashanu (50 ) vanosanganisira madzimai nevana vadiki vange vakatarisirwa kuregererwe nhasi nechikwata che Hamas.

Kune rimwe divi, Israel yanga yati icharegererawo vamwe vasungwa vari mumujeri vanova zvizvarwa zvePalestine.

Nyika dzinoti America, Qatar neEgypt ndidzo dziri kubatsira kuti pave nehurukuro pakati pemativi maviri aya..

Bazi rezvehutano remuGaza iro rinonzi riri kushanda neHamas iyo inonzi nehurumende yeAmerica inopfurikidza mwero rinoti vanhu vashaya muhondo iyi vanodarika zviuru gumi nezviviri kana kuti 12,000. Israel inoti vanhu vakafa muhondo iyi vanodarika chiuru nemazana mana kana kuti 1 400.

Muongorori wenhau dzezve matongerwo VaTim Muringai vari kuOhio muno muAmerica vanoti kunyangwe hazvo chirongwa chekuregerera nhapwa nevasungwa chatadza kubudirira nhasi, nhaurirano dzakakaitwa kuti izvi zviitike dzinoratidza kuti pane mukana weku veIsrael neHamas vakwanise kumisa hondo kuburikidza nenhaurirano.

'Zvakakosha kuti mapato maviri aya arambe achitaurirane kuitira kuti pave nekupedzwa kwehondo iyo yauraya vazhinji vamwe vasina mhaka." VaMuringai vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG