Accessibility links

Breaking News

Israel neHamas Vanoita Chibvumirano cheKuregerera Vakatapwa neVari mHusungwa, Uye Kumbomisa Hondo


Israel neHamas vawirirana kuti vari muhutapwa vaburitswe.
Israel neHamas vawirirana kuti vari muhutapwa vaburitswe.

Hamas inonzi yaita chibvumirano neIsrael chekuregerera madzimai makumi mashanu pamwe nevana vari muhutapwa, ukuwo Isarel ichibvumawo kumbomisa kurwisa Gaza kwemazuva mana.

Chibvumirano ichi chaziviswa ne Qatar, iyo yanga ichitungamira nhaurirano idzi. Hurumende ye America yakatara Hamas sechikwata chematororo.

Hurumende yeIsrael inonzi yatambira chibvumirano ichi.

Vari muhutapwa ava vanotarisirwa kuregererwa mangwana China kana pasina zvimwe zvashanduka. Israel iri kutarisirwawo pasi pechibvumirano ichi kuregererawo madzimai nevana vemu Palestine vane chitsama vari mumajeri emu Israel.

Chibvumirano ichi chiri kuuya zvichitevera masvondo ehurukuro dzinonzi dzaitungamirirwa neQatar, America ne Egypt.

Hondo pakati pemativi maviri aya yauraya vanhu vakawanda, bazi rezvehutano remuGaza, iro rinonzi riri kushanda neHamas, richiti anhu vashaya muhondo iyi vanodarika zviuru gumi nezviviri, 12,000.

Israel inoti vanhu vashaya muhondo iyi munyika mayo vanodarika chiuru nemazana mana, 1 400.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mutungamiri webato rinopikasa reDemocratic Party, Muzvinafundo Wurayayi Zembe, vanoti kuchinjana kwevatapwa pakati pevaviri ava kwakanaka sezvo kuchiratidza kuti mune remangwana panokwanisa kuitwa nhaurirano dzerunyararo hondo iyi ikamiswa.

"Zviri kuitika izvi zvakanaka nekuti zviri kuratidza kuti panogona kuzowanikwa pachiitwa hurukuro yekuti pave nerunyararo munguva inotevera," Muzvinafundo Zembe vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG