Accessibility links

Breaking News

Gurukota reZvemari, VaMthuli Ncube, Vanoparura Hurongwa Hwavanoti Huchaderedza Kurasikirwa neMari kweHurumende


Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube.
Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube.

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, nhasi vaparura hurongwa uhwo vanoti huchaita kuti hurumende isarasikirwe nemari nekuda kwehuwori, chikiribidi pamwe nekusashandiswa kwemari zvisina kujeka, izvo zvinonzi nehofisi yaAuditor-General ndizvo zvimwe zviri kuitika pari zvino.

Vachiparura hurongwa hweRisk Management Guidelines and Framework for the Public Sector, VaNcube vati hurongwa uhu hunofanira kutevedzwa nemapazi ese ehurumende, makambani ari pasi payo, makomisheni pamwe nemakanzuru, vachiti kana izvi zvikaitika zvinochenesa chimiro chehurumende sezvo inenge yave kuita zvinotarisirwa neveruzhinji.

Vati pane huwori nezvimwe zviri kuitika mumapazi ehurumende izvo zvinodzorera basa kumashure pamwe nekutadzisa kuti iyo hurumende iite zvainenge yakaronga. Vati, hurongwa hwavaparura nhasi hune chinangwa chekugadzirisa izvi.

Vange vakamirira munyori mubazi rezvemari, VaGeorge Guvamatanga, VaMasimba Mudzungairi, vanotsanangura kuti sei vaparura hurongwa hwanhasi.

“Taona kuti tange tichisangana nezvipangaidzo zvakati wandeyi pamashandire atange tichiita maererano nehupfumi hwenyika uye zvimwe zvisineyi nehupfumi hwenyika asi zvaita kuti tiise hurongwa uhwu kuti tigadzirise zvipingaidzo izvi.”

VaMudzungairi vaenderera mberi vachiti huwori ndechimwe chipingaidzo chinoda kugadziriswa kuitira kuti hupfumi hwenyika huchengetedzwe.

“Kune zvipingaidzo zvakaita sehuwori, furaudhi nezvimwe zvakaita sekuti kuitwa kwebasa kunotora nguva yakati rebeyi zvese izvi zvichikonzereswa nezvibingaiso zvinenge zvisiri kutariswa, saka gwaro iri richange richaudza vanhu kuti ndezvipi zvinofanira kuitwa.”

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwebasa muparamende yeZimbabwe, VaNesbert Samu, vati vanotambira hurongwa hwanhasi uhu vachiti hunoita kuti vaone kuti hurumende iri kuita zvainenge yakaronga here?

“Hurongwa uhwu huchatibatsira nekuti kana tichinge tobvunza tichavadana tichishandisa gwaro iri.”

Hurumende yaparura hurongwa uhwu zvichetevera huwori hunonzi nehofisi yaAuditor General huri kutika mumapazi nemakamabani ayo pamwe nemakomisheni nemakanzuru gore rega rega.

Mugwaro ravakaburitsa muna 2022, vakafanobata chigaro chaAuditor-General, Amai Rhea Kujinga, vakati mapazi ehurumende kusanganisira mahofisi emutungamiri wenyika, bazi rezvemari nekomisheni inoona nezvekurwiswa kwehuwori, yeZimbabwe Anti-Corruption Commission, vanoshandisa mari zvisina kujeka kana zvisina kurongwa, uye dzimwe nguva vanopa mabasa kumakambani anotadza kutenga zvinhu zvinenge zvichidiwa, izvo zvinoita kuti hurumende irasikirwe nemari pamwe nekutadza kuita zvainenge yakaronga.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vaudza Studio 7 kuti hurongwa hwaparurwa nhasi uhu hunogona kuderedza huwori muhurumende kana hukatevedzwa.

“Chakakosha ndechekuti hurongwa uhwu hunge huchitevedzwa nekuti izvi zvinogona kuderedza huwori pamwe nekusashandiswa kwemari zvakanaka muhurumende nemakambani ayo."

Asi mukuru anoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaRuben Mbofana, vaudza Studio 7 kuti havawoni hurongwa uhwu huchibudirira.

“Kungoda kufadza nzeve dzedu isu vari kudzimba kuti tifunge pane zviri kuitwa asi ipo pasina. Ngavambotanga vabata ivo vataurwa naAuditor-General. Iyo paramende yacho pane akambobatwa here nenyaya yema laptop aidhura zvinoshura mare, yakazoenda kupi yanya iyoyo.

Gore negore Auditor – General anoburitswa magwaro anoratidza kuti mari yehurumende iri kubiwa kana kusahandiswa zvine mwero uye hapana matanho ati atorwa nehurumende kugadzirisa nyaya iyi.

Asi VaNcube vati zvavo hurumende iri kugadzirisa zvese zvinotaurwa naAuditor-General uye chirongwa chavaparura nhasi ichi chicharerutsa basa raAuditor-General.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG