Accessibility links

Breaking News

Kanzura weWard 36, VaChitengu, Vanosarudzwa Kuve Meya Mutsva weGuta reHarare Vachiteverwa naMuzvare Muronda


vasarudzwa kuve meya veguta reHarare mutsva, VaLovejoy Chitengu veCCC.
vasarudzwa kuve meya veguta reHarare mutsva, VaLovejoy Chitengu veCCC.

Guta reHarare rava nameya mutsva pamwe nemutevedzeri wake mushure mekusarudzwa kwaVaLovejoy Chitengu, veCCC, vari kanzura weWard 36 sameya.

Izvi zvinotevera kudzingwa kwevaive meya, VaIan Makone, pamwe nemutevedzeri wavo, Muzvare Kudzai Kadzombe, nevari kuzviti ndivo vakasanobata chigaro chemunyori mubato rinopikisa reCitizens Coalition for Change (CCC), VaSengezo Tshabangu.

Mumashoko avo ekubvuma kutungamirira guta, VaChitengu vati hapana chekupemberera sezvo vakanga varipo vakadzingwa zvisiri pamutemo.

“Hapana chekupemberera sezvo vanhu varikudzingwa zvisiri pamutemo. Tiripano nekuda kwekuti meya vedu vataive takasarudzwa vakabviswa zvisiri pamutemo asi tongofambisa basa roenda mberi pavakasiyira panga pagara panehurongwa hwekuti tigadzirise matambudziko . Saka tichaita saizvozvo," vaChitengo vadaro.

VaChitengu, avo vati vacharamba vachikoshesa nyaya dzemvura nekurwisa chirwere chekorera muguta, vakaramba kusaina tsamba yekudzingwa kwavo vhiki rapera pakadzingwa mamwe makanzura, sezvo zita rasekuru vavo rakanga rakakanganiswa kunyorwa rakanzi “Chitegu”.

Muzvare Rosemary Muronda.
Muzvare Rosemary Muronda.

Vati zita raivepo rakanga risiri ravo. “Pane zita randakaona riripo raifungidzirwa kuti nderangu asi tatarisisa pamatsamba takaona kuti zita harisi rangu saka nhasi ndiri pano. Isu hatityi kana kuvhunduka nekuti simba redu robva kuvagari. Vagari vakatituma ndiko kwatinodzokera kana kwaita dambudziko.”

Mabharani wekanzuru, VaHosiah Chisango, vaudza Studio 7 kuti kunyangwe zvazvo sarudzo dzafamba zvakanaka, kudzingwa kwevatungamiri vekanzuru kunodzorera mabasa shure.

“Kanzuru inoshanda nemakumbo maviri. Kune vashandi vanosarudzwa nevanhu kozoti vanoiswa pamabasa. Saka ava vanosarudzwa nevanhu vanotibatsira kuti zviga zvatinenge tichida negwara rekutevedzera vakatipa isu togona kushanda.”

VaChitengu vachatevedzerwa pabasa naMuzvare Rosemary Muronda, avo vasarudzwa kuva mutewedzeri wameya veguta reHarare.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuvagari kuti vanotambira sei hurongwa hwekuti vave nameya mutsva uhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG