Accessibility links

Breaking News

Dare reHigh Court Rinombomira Kupa Mutongo paNyaya yeCCC Yekuti VaTshabangu Havana Masimba eKudzinga Nhengo dzeBato Iri


Gweta reCCC, VaObey Shava
Gweta reCCC, VaObey Shava

Mutongi wedare repamusoro reHigh Court, Justice Tawanda Chitapi, nhasi vambosendeka parutivi mutongo wavo panyaya yakakwidzwa kudare iri nebato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, CCC, yekuti VaSengezo Tshabangu, avo vari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webato iri, havana masimba ekudzinga nhengo dzebato.

VaChitapi vati vachapa mutongo uyu panguva shoma inotevera, kunyangwe hazvo vasina kuzivisa musi mushure mekunge gweta reCCC, VaObey Shava nevanga vachitungamirira magweta aVaTshabangu, VaLewis Uriri, vapa zvichemo zvavo kudare panyaya iyi.

VaShava vabvuma kuti izvi ndozvaitika mudare. Vati,”Taenda mudare tichiti mutongi tibatsireiwo taita nhau yemurume anonzi Tshabangu angoerekana anyuka sehohwa tisingazive kwaanobva nako nekwaari kuenda asi hunhu hwake arikudzinga nhengo dzeparamende nemakanzuru dzeCCC zvinova kunze kwemutemo. Saka tati dare tibatsireiwo musunge maoko emurume uyu asaramba achidzinga vanhu. Saka dare rati roda kumboverenga zvataurwa nekuita tsvagurudzo ndozokupai mutongo. .”

Mudare, VaShava vati gwaro rebumbiro remitemo rakaunzwa kudare richinzi ndereCCC riri kubudisa pachena kuti pane dzimwe nzvimbo mugwaro iri bato reCCC mariri kunzi naVaTshabangu ndiko kwavakafanobata chigaro chemunyori mukuru riri kunzi Movement for Democratic Change.

VaShava vaudza dare kuti hazvigoni kuti mapato maviri aya, anoti reCCC nereMDC, abatanidzwe, vachiti mapato maviri akatosiyana uye akakwikwidza musarudzo dzaNyamavhuvhu zvakasiyana. VaShava vaudza vatori venhau kuti kuCCC, VaTshabangu havazivikanwe.

Asi rimwe remagweta aVaTshabangu, VaNqobani Sithole, vati hapana musiyano paMDC Alliance neCCC.
VaSithole vati, "Hapana musiyano paCCC neMDC Alliance. CCC yakabva kuMDC Alliance saka hazvisiyane. Haungati wachinja hembe woti wave mumwe munhu. Hakuna munhu akasarudzwa kana iye Chamisa haana kusarudzwa. Dambudziko inyaya yekuti VaChamisavakura kudarika bato saka vanhu havachaita slogan yebato vave kungoti ngaapinde hake mukomana.”

VaSithole vati vamirira pachaturwa mutongo naVaChitapi.

Magweta anga akamiririra gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaWinston Chitando, pamwe nevatungamiriri vematare eSenate neNational Assembly audza dare kuti achangoteverera nyaya iyi uye achagutsikana nezvinenge zvapiwa nedare.

VaTshabangu vakatanga kudzinga nhengo dzedare reNational Assembly, Senate nemakanzuru muna Gumiguru.

Nhengo makumi mana nembiri dzematare eNational Assembly ne Senate dzadzingwa naVaTshabangu kusvika pari zvino, uye makanzura makumi masere nematanhatu munyika yese adzingwawo kusvika pari zvino.

Asi dare reHigh Court kubva Chipiri chapfuura rakambomisa kwenguva shoma VaTshabangu kudzinga vanhu kusvika nyaya iri mumatare iyi yapera kutongwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG