Accessibility links

Breaking News

Vanoti Ndivo Vakafanobata Chigaro cheMunyori muCCC, VaTshabangu, Voisa Chikumbiro kuMatare Chinomisa Vakadzingwa kuKwikwidza


VaSengezo Tshabangu
VaSengezo Tshabangu
Magweta ari kumirira vanozviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, VaSengezo Tshabangu, vaisa chimwe chikumbiro kudare chekuti nhengo dzeCCC dzakadzingwa kudare reNational Assembly neSenate dzisabvumidzwe kukwikwidza dzichishandisa zita rebato iri musarudzo dzichaitwa muna Zvita.

Rimwe remagweta aVaTshabangu, VaNqobani Sithole, vaudza vatori venhau kuti chikumbiro chavaisa ichi ndechekuti vese vakadzingwa naVaTshabangu vasakwikwidze zvakare vachishandisa zita rekuti CCC.

VaSithole vati, “Kune vanhu vakadzingwa neCCC kuparamende nekumakanzuru, CCC yaita chikumbiro chekuti vasakwikwidze vachishandisa zita ravo."

Gweta riri kumirira CCC, VaObey Shava, vati havasati vaziviswa nezvechikumbiro ichi.

"Handisati ndaona chikumbiro chaiswa ichi, sezvo mataura kudaro ndichatora mukana uno kuti ndiite chipatapata ndione kuti chikumbiro ichi chakamira sei?"

Mumwe wevakadzingwa naVaTshabangu mudare reSenate svondo rapera, VaJameson Timba, vatiwo havasati vaona magwaro ari kunzi asvitswa mudare.

VaTimba vatiwo VaTshabangu havamiriri bato ravo.

“Chikuru ndechekuti VaTshabangu vanozvimiririra ivo nemhuri yavo. Havamiririri CCC,saka haveneyi nezvinoitika mubato kuti ndiani angarimiririra.”

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda nesangano rakazvimirira reZimbabwe Democracy Institute, VaBhekezela Gumbo, vati kupedza dambudziko ravasangana naro iri bato reCCC ngariise bumbiro remitemo yebato zvova pachena kuti anodzinga vanhu ndiani mubato uye vanodzingwa seyi?

VaGumbo vati,”CCC inofanirwa kuita bumbiro remutemo kuti ibuditse pachena kuti uyu munhu ane masimba awa. Bumbiro remutemo rinobatsira nekuti mutemo unochengetedza vanhu vari mubato uye vanhu vanenge vachiziva kuti uyu ndiani uyu ndiani mubato. vichabatsira kuti mutungamiriri webato VaNelson Chamisa vapiwe masimba anobva mumutemo pamwe nekuchengetedza avo vanenge vasarudzwa nevanhu kuti vasangodzingwa nemunhu chero zvake.”

Zvichakadaro, VaSithole vatiwo nyaya yeCCC yanga ichifanirwa kunzwika neMuvhuro yakakwidzwa kumatare yekuti VaTshabangu havana masimba ekudzinga vanhu, ichanzwikwa neChipiri nemutongi wedare VaTawanda Chitapi.

Vati, “Isusu takanonoka kuendesa mapepa edu. Taifanirwa kuva takaendesa mapepa nemusi weChina na12pm asi takakundikana tikazoendesa neChishanu. Vakaenda kumatare vaisawo magwaro avo nhasi saka nyaya ichanzwikwa mangwana na2:30pm.”

Izvi zvatsigirwawo naVaShava vachiti dare rati rinoda kuongorora mapepa akanonoka kusvitswa kudare.

VaShava vati, “Saka vakazoisa mapepa avo musi weChishanu isu tikaisa edu nhasi mangwanani saka dare rati roda kumboverenga tozosangana mangwana na2:30pm tokakavara zvedu.”

VaTshabangu vakatanga kudzinga nhengo dzedare reNational Assembly, Senate nemakanzuru muna Gumiguru.

Nhengo makumi mana nembiri dzematare eNational Assembly neSenate dzadzingwa naVaTshabangu kusvika pari zvino, uye makanzura makumi masere nematanhatu munyika yese adzingwawo kusvika pari zvino.

Asi dare reHigh Court kubva Chipiri chapfuura rakambomisa VaTshabangu kudzinga vanhu kusvika nyaya iri mumatare iyi yapera kutongwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG