Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Inotara Chirwere cheCholera seDambudziko Rinoda kuGadziriswa zveChimbichimbi


Mvura ine tsvina ichiererea mumusha weGlenview.
Mvura ine tsvina ichiererea mumusha weGlenview.

Kanzuru yeHarare yatara chirwere che cholera sedambudziko rinoda kugadziriswa nechimbichimbi, kana kuti State of City Emergency. Izvi zvaziviswa nevanga vari meya weHarare, VaIan Makone, vasati vadzingwa.

VaMakone vati vanga vaita musangano wechimbichimbi muHarare wekutarisa zvingaitwa kurwisa chirwere ichi.

VaMakone vati, “Harare yati Cholera idambudziko reguta rinoda kugadziriswa nechimbichimbi nekuti chirwere ichi tikachipusira chinotipedza. Muna 2008 takarasikirwa nevanhu vanodarika 4,000 muHarare muno saka ngatidzidzeyi pane zvakaitika totora matanho anokodzera kuti vatarasikirwa navo ava vakatowanda."

VaMakone vati izvi zvaitika nekuti Harare haina mvura yakakwana, vachiti mvura irikumwiwa nevamwe vagari, kunyanya kunzvimbo dzisina kugariswa vanhu nekanzuru uko vati hakuna mvura yemupombi nezvimbuzi.

"Saka zvatinofanirwa kuita kupamhidzira kuwanikwa kwemvura kunzvimbo idzi, kusina mapombi toendesa mvura. Tataurawo kuti vanokwanisa kubatsirawo Harare kuwanisa mvura vauye vabatsirewo kanzuru,” vawedzera vachidaro.

Vachitaura mamiriro echirwere ichi mumusangano wekanzuru waitwa nhasi, nyanzvi inoona nezvezvirwere zvinotapuriranwa mukanzuru yeHarare, Doctor Michael Vere, vati huwandu hwevari kubatwa nechirwere che cholera muHarare huri kukwira zvakanyanya nekudaro kanzuru ichange ichitora matanho ekuwanisa vagari mvura yakachena.

“Ikezvino kune varwere vakawanda cholera iKuwadzana ndiyo nzvimbo yanyanya kuita mukurumbira. Ko itawo dzimwe nzvimbo dzange dzisina dambudziko rechirwere iri sana Warren Park zvichingoreva kuti nyaya ye cholera yatekeshera muHarare saka kwese kwatinenge tiri muHarare tinofanirwa kuzvichengetedza kuti tisabate chirwere ichi.

"Kunzvimbo idzi vanhu vanomwa mvura yemumatsime nezvibhorani. Vazhinji vanoti mvura yemuzvibhorani hatiisi mushonga, yakachena asi kurudzio yedu ndeyekuti mvura yemuHarare zvibhorani zvacho hazvina kutochenawo. Zvizhinji zvacho zvakatowanikwa kuti zvinehutachiona hwe E.coli kana kuti macoliform,” vakadaro Doctor Vere.

Nemusi weChitatu hurumende yakazivisa kuti vanhu zana nemakumi manomwe nevaviri vakabatwa nechirwere che cholera, makumi masere nevapfumbamwe vari vemuHarare chete.

Guta reHarare ndiro zvakare rine vanhu vari muzvipatara vakawanda, vanosvika makumi matatu nevanomwe, nekuda kwe cholera.

Nyanzvi dzinoti kudzingwa kwemakanzura akasarudzwa munyika kuchadzorera shure mabasa ekurwisa chirwere che cholera, icho chaputika mumadhorobha nemaguta akawanda munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG