Accessibility links

Breaking News

Makanzura eCCC Anodzingwa naVaTshabangu Kunyange Hazvo Paine Chibvumirano cheKumbomisa Danho Iri Kusvika Nyaya Iri kuMatare yaNzwika


Mayor Ian Makone Tripple C
Mayor Ian Makone Tripple C

Kudzingwa kwenhengo dzebato rinopikisa dzeCitizens’ Coalition for Change nevanozviti vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webato iri, VaSengezo Tshabangu, kwaenderera mberi munyika nhasi vachidzinga makanzura makumi matanhatu nevapfumbamwe kubva kumakanzuru emaguta akasiyanasiyana emunyika, kusanganisira guta guru reHarare.

Mutsamba dzatambidzwa makanzura aya, VaTshabangu vadzinga mameya nevatevedzeri vavo nemamwe makanzura, kusanganisira meya weguta reHarare, VaIan Makone nemutevedzeri wavo, Muzvare Kudzai Kadzombe, meya weKwekwe, Doctor Henry Madzorera, pamwe nameya weMutare, neguta reMutare, Muzvare Sophia Gwasira.

Vachitaura neStudio 7 mushure mekudzingwa, Doctor Madzorera vati zviri pachena kuti VaTshabangu vanoda kukanganisa mabasa emakanzuru mumatunhu ese anotungamirirwa neCCC.

VaMadzorera vati, “Chekutanga ndechekuti Tshabangu haasi nhengo yemusangano wedu saka hazvisi kugashirika nekuti haana kodzero yekutidzinga. Asi zvakadaro tinoona kuti donzvo nderekukanganisa makanzuru ese anotungamirirwa neCCC.”

Vadzingwawo vanga vari kanzura weWard 16 muHarare, VaDenford Ngadziore, vati vanoshushikana zvikuru nekudzingwa mushure mekushanda kwemwedzi miviri chete.

Tsamba yekudzinga mamwe makanzura eHarare.
Tsamba yekudzinga mamwe makanzura eHarare.

Vati zviri kuitwa munyika yese izvi zvinodzorera shure mabasa emakanzuru.

“Ndashanda mwedzi muviri chete ndadzingwazve. Asi hazvindishamisi nekuti mabasa eZanu naVaTshabangu, vari kutya. Mabasa ekanzuru anodzorekera kumashure nekuti ndanga ndiri sachigaro wekomiti yekanzuru ndiine muono wandaive nawo, ukuwo meya vanga vane muonowo wekanzuru saka mabasa ekanzuru anogona kumbokanganisika.

"Asi tichakawanda muno mukanzuru nekudaro tichataurirana nevasara vebato redu kuti mabasa ekanzuru aenderere mberi, ” vadaro VaNgadziore.

Mutevedzeri wemutauriri weCCC, VaGift Ostallos Siziva, vati varasikirwa nemakanzura anosvika makumi matanhatu nemapfumbamwe nyika yese kusvika pari zvino.

Mutauriri waVaTshabangu, VaKhaliphani Pugeni, vaudza Studio 7 kuti vari kudzingwa ava vakadzingwa mutongo wakawiriranwa kudare reHigh Court wekuti vanhu vambomira kudzingwa muCCC usati waitwa.

VaPugeni vati, “Munyori, VaTshabangu vakabvuma kuti hakuna vachadzingwa kubva Chitatu chapera kusvika Muvhuro vhiki rinouya. Ndinofunga kuti tsamba idzi dzakanyorwa mutongo weChitatu usati waturwa.”

VaPugeni vabvumawo kuStudio 7 kuti kudzingwa kuri kuita vamiriri vemakanzuru neParamende kuchauraya bato, vakakurudzira kuti paitwe nhaurirano yekugadzirisa zviri kunetsa.

Varambawo kuti VaTshabangu vari kuda kuparadza maguta nekudzinga kwavari kuita vanhu vakasarudzwa kuti vamirire zvido zvevanhu mumakanzuru nemuparamende vachiti VaTshabangu vari kungodzinga vanhu vakaiswa pazvigaro zvisiri zvejekerere.

Mamwe makanzura adzingwa muHarare anotti VaLovejoy Chitegu, VaSamuel Gwenzi, Chido Hamauswa, Sabina Tiriboyi, Florence Cheza pamwe naFadzai Matimba.

Kusvika pari zvino VaTshabangu vadzinga makanzura makumi masere nevatanhatu kubva kumakanzuru gumi nematanhatu emunyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG