Accessibility links

Breaking News

Tsvakurudzo yeFiro yeNhengo yeCCC, VaMasaya, Post-Mortem, Yotarisirwa Kuitwa neMusi weChina


VaTapfumaneyi Masaya
VaTapfumaneyi Masaya

Tsvakurudzo yefiro yenhengo yeCitizens’ Coalition for Change, CCC, VaTapfumaneyi Masaya, avo vakapambwa nemusi weMugovera vakazowananika vakafa nemusi weSvondo kuCleveland, kana kuti post-mortem, iyo yange ichifanira kuitwa nhasi yave kuzoitwa mangwana mushure mekunge mhuri yavo yati inoda kuti ongororo iyi iitwe paine nyanzvi dzaichasarudza iyo.

Gweta remhuri yaVaMasaya, VaInnocent Gonese, vaudza Studio 7 kuti iri ndiro danho ratorwa nemhuri uye post mortem iyi yave kuzoitwa paina vanamazvikokota vachasarudzwa nemhuri.

“Saka Post Mortem ichaitwa mangwana asi tinenge tiina chiremba anenge achiona zvinenge zvichiitwa , tozotsvagawo mukana zvekare wekuti Post mortem kana ichinge yabuda toiendesa kunana mazvikokota vanonotarisa kuti inenge yakamira sei uye zvakaitika sei pamusanga pechiitiko chakaitika kuna mushakabvu.”

VaGonese vati vatora danho iri nekuda kwemashoko asina maturo ari kutaurwa nevamwe vatsigiri veZanu PF nehurumende ekuti bato reCCC riri kutaura manyepo pane zvakaitika.

“Vakarekera kuhurumende vatanga kuburitsa mashoko ekuti vanhu veCCC nevamasangano anoshanda akzvimirira vari kunyepa kuti vanhu vavo vari kupambwa, saka panodiwa humbowo hunoratidza kuti munhu akarohwa akakuvadzwa uye apa ndozvatinoda kuita kuti ruzhinji rweZimbabwe ruzive panenge pakamira chokwadi.”

Izvi zvatsigirwa nenhengo yeCCC uye vari kushanda nemhuri panyaya iyi vari kanzura weWard 21 kuMabvuku, VaAlexio Nyakudya.

“Takazoona zvaakunyorwa pamadandemutande kuti CCC inonotora zvitunha yono kanda kwainokanda saka takaona kuti vanhu ava vanozogona kuti pandukira mangwana saka tatoradanho rekuti tizvichengetedze nekuita maDNA tests tichishandisa hama yavaMasaya.”

Nhengo dzeCCC kumaMabvuku.
Nhengo dzeCCC kumaMabvuku.

VaEdward Masaya, mukoma wemufi, vaudza Studio 7 kuti nekuda kwehurongwa hutsva uhwu, munin’ina wavo haachachengetwa mangwana.

Vati ishuviro yavo kuti mapurisa achaiata basa ravo nemazvo nekusunga vanhu vakaponda munin’ina wavo pamwe nekuvaranga zvakaomarara.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commisssioner Paul Nyathi, vati vange vasati vasumwa nezvehurongwa hutsva uhwu pataenda pamhepo.

Mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa, vange vakatarisirwa kunobata maoko kumhuri yekwaMasaya nhasi.

Mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaFarai Marapira, vaudza Studio 7 kuti mhuri yaVaMasaya yakasununguka kusarudza zvainoda kuti vazive chokwadi chakaitika kuhama yavo.

“Izvi zviri mukati mesimba ravo semhuri, isu seZanu PF tinoda

kuti chokwadi chibude pachena tizive kuti zvakafamba sei , inhau yakatotibata pamoyo. Munoziva VaMnangagwa vakati havadi mhirizhonga saka seZanu PF tetichida kukasika kuziva kuti chii chakaitika uye kana paine ruoko rwemunhu, munhu iyeye kasike abatwa.”

VaMasaya vakapambwa pamwe chete naVaJeffrey Kalosi, avo vakawanikwa musi weMugovera vakarohwa zvakaipisisa vakakandwa kupurazi reChabwino, uye vakapambwa nevanhu vanofungidzirwwa kuti vasori pamwe nevatsigiri veZanu PF.

Mhuri yavo yakazokwanisa kuvacherechedza nezuro kuti ndivo mushure mekunge mudzimai wavo azoenda kuchipatara cheParirenyatwa, uko kwakachengeterwa mutumbi wavo.

Vaviri ava vakapambwa apo vaitsvaga rutsigiro rwenhengo yebato ravo, VaFebion Munyaradzi Kufahakutizwi, avo vari kukwikwidza musarudzo ye By-Election kuMabvuku-Tafara muna Zvita. Vamwe vari kukwikwidza musarudzo iyi ndaVaScott Sakupwanya veZanu PF, pamwe naVaDavid Chitimbe vebato reChangu Chimuti Chapinda Chapinda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG