Accessibility links

Breaking News

Paramende Inoramba Kudzosa Nhengo dzeCCC Dzakadzingwa neChipiri Ichiti Tsamba yeKudzidzinga Yakatangira Mutongo weHigh Court


Imwe yenhengo dzeCCC dzakadzingwa muparamende naVaSengezo Tshabangu, VaAmos Chibaya.
Imwe yenhengo dzeCCC dzakadzingwa muparamende naVaSengezo Tshabangu, VaAmos Chibaya.

Paramende yati nhengo dzeparamende dzebato rinopikisa reCitizens' Coalition for Change gumi nesere dzakadzingwa neChipiri mudare iri naVaSengezo Tshabangu hadzichagoni kudzoka kudare kusvika nyaya yakakwidzwa kumatare nebato rinopikisa iri yekuti VaTshabangu havana masimba ekudzinga vanhu yatongwa.

Danho iri ratorwa zvisineyi nekuti mutauriri weNational Assembly, VaJacob Mudenda, vaive vavimbisa bato reCCC kuti kana vangowana mutongo wakapiwa nedare reHigh Court wekuti VaTshabangu vambomira kudzinga vanhu, vaizouverenga mudare, vodzosa vakadzingwa neChipiri vose.

Asi VaMudenda vanga vave kuimba rumwe rwiyo vachiti tsamba yakanyorwa naVaTshabangu yakanyorwa musi wa7 Mbudzi, nekudaro mutongo wedare wakaitwa neChipiri, wanga usati wavapo.

Mutauriri weparamende, VaJacob Mudenda
Mutauriri weparamende, VaJacob Mudenda

“Mutongo wenguva pfupi uyu wakaitwa ndatozivisa zvekudzingwa kwavo. Pamusoro pezvo, mutongo uyu wakazouya kwandiri ndatodzinga vanhu ava. Kudzingwa kwevanhu ava kunototanga pandakatambirira tsamba unova musi wa7 Mbudzi,” VaMudenda vadaro.

Mukokeri wenhengo dzeCCC mudare reNational Assembly, VaClifford Hlatshwayo, vanove mumiriri weChipinge South, vati havawirirani nezvikonzero zviri kupihwa naVaMudenda, vachiti nhengo dzavo dzanga dzichifanirwa kudzoswa mudare iri.

“Muono wemunhu anoturukira mutemo nenzira yaanofarira iye yaanenge achida asi mutemo unenge wataura. Mukaverenga paragraph 4 yemutongo unobudisa pachena kuti varikuti chimbomirai kudzinga vanhu kusanganisira neanezuro aifanirwa kuva akamira.

VaClifford Hlatshwayo
VaClifford Hlatshwayo

"Chinotinetsa ndechekuti Paramende yaive negweta ringadai rakataurira Paramende kuti nyaya irikubuda kudare yakamira yakadai asina kumboti ndakumirira bepa nekuti bepa richadaka kunyorwa nekuti zvinhu izvi zvakaitika nguva dzakada kufanana,” vanodaro VaHlatshwayo.

Vawedzerawo vachiti zviri pachena kuti munyika hamusi kudiwa vamiririri vebato reCCC, avo vanga vakazvipira kurwira kodzero dzevanhu.

“Tinenge tichiona kuti mafambisirwo arikuitwa basa mafambisiro ekuti nhengo dzeparamende dzeCCC vasange vachishanda basa zvakanaka. Chavari kutya mudare umu ndechekuti nhengo dzedu dzeCCC varikumirira zvido zvevanhu.

"Zvido zvevanhu ndezvipi? Kuti munyika musaita huori, kuti munyika zvinhu zvive zvichifambiswa zvakanaka, vana vachiwana mabasa, vanhu vachiwana mushonga kuzvipatara, vashandi vehurumende vachiwana mari inokwana. Saka hurumende yenyu yeZanu PF iriko iyi ihurumende isingadi kuudzwa chokwadi.

"Saka isu tinomirira vanhu hatisi kuzoregedza vana veZimbabwe vachibatwa nekuseri kwemaoko isu takamira muparamende. Vane zvinhu zvakawanda zvavakaviga zvavasingadi kuti zvifukunurwe izvo zvichafukunurwa nenhengo dzeCCC. Saka varikuda kutidzinga vobvisa vanopikisa munyika nekutya nyaya dzirikunetsa idzi dzekubirwa kwesarudzo.”

Vanopikisa vari kuti VaTshabangu vari kushandiswa neZanu PF pamwe nevamwe vari mukati kuparadza bato reCCC.

VaMike Bimha veZanu PF
VaMike Bimha veZanu PF

Asi vachitaura kumusangano wavaita nevatori venhau nhasi, murongi wemisangano mubato reZanu PF, VaMike Bimha, vati bato reZanu PF harineyi nekudzingana kuri kuitika mubato reCCC.

Richimisa kudzingwa kwenhengo dzeCCC muparamende nemumakanzuru neChipiri, dare reHigh Court rakati nyaya yekupikisa yakakwidzwa neCCC ichanzwikwa mudare musi wa20 Mbudzi, rinove svondo rinouya.

Mutongo wedare uyu wakaturwa mushure mekuwirirana kwemagweta eCCC neaVaTshabangu kuti kudzingwa kwenhengo dzeparamende kumbomira kusvika nyaya iyi yanzwika svondo rinouya.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG