Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeCCC Dzinodzingwa muParamende Kunyange Hazvo Paine Mutongo weHigh Court Uri Kumisa Kudzingwa Uku


Vanga vachikokera nhengo dzeCCC muparamende, VaAmos Chibaya, avo vadzingwawo mudare naVaTshabangu.
Vanga vachikokera nhengo dzeCCC muparamende, VaAmos Chibaya, avo vadzingwawo mudare naVaTshabangu.
Kunyange hazvo bato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change rapiwa mutongo nedare reHigh Court wekuti nhengo dzaro dzimbomira kudzingwa mumatare eNational Assembly neSenate nevari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webato iri, VaSengezo Tshabangu, dzimwe nhengo gumi nesere dzebato iri dzadzingwa zvakare neChipiri muparamende.

Kudare reSenate nhengo shanu dzeCCC dzadzingwa dzinosanganisira VaJameson Timba, VaWebster Maondera, naAmai Vongai Tome, vose vari nhengo dzeSenate muHarare.

Mutauriri weNational Assembly, VaJacob Mudenda, vadzinga nhengo gumi nenhatu, vachiti vange vasati vaona mutongo wedare uri kumbomisa kudzingwa kwenhengo dzebato rinopikisa iri.

VaGift Ostalos Siziva vadzingwawo muparamende.
VaGift Ostalos Siziva vadzingwawo muparamende.

Asi vati kana vakaona mutongo wedare uyu vose vadzingwa ava vachadzoswa kudare.

“Mhinduro yangu kunaVa(Daniel) Molokele, kana ndikangowana mutongo wapiwa nedare ndichauverenga uye kana uchimisa kudzingwa kwevanhu ava ndichauverenga uye todzosa vadzingwa ava.”

Vanga vari mukokeri wenhengo dzeCCC muNational Assembly, VaAmos Chibaya, vabvuma kuStudio 7 kuti vadzingwa zvisineyi nekuti matare anga ati nhengo dzavo dzimbomira kudzingwa.

Vati,”Pane mazita averengwa nemutauriri wedare reNational Assembly ekudzinga nhengo dzeCCC.

"Asi regai ndienderere mberi ndichiti nhasi tanga tirikumatare uko kwamiswa mutauriri uyu kuti asadzinga nhengo dzedu dzeCCC chikonzero chiri chekuti nyaya yedu irikumatare yatakaendesa yekuti Tshabangu hatimuzive.

"Saka mutongo wapiwa unomisa VaMudenga nemutungamiriri weSenate kuti vambomira zvekudzinga vozoita kana nyaya iri kumatare yapera."

CCC yakaenda kumatare ichiti VaTshabangu haisi nhengo yavo uye havana masimba ekudzinga vamiriri vakasarudzwa pasarudzo dzaNyamavhuvhu.

Vaive mumiriri weMabvuku-Tafara, VaFebian Munyaradzi Kufahakutizwi
Vaive mumiriri weMabvuku-Tafara, VaFebian Munyaradzi Kufahakutizwi

VaChibaya vati VaMudenda vati kana vazowana mutongo uyu kubva kudare vachazouverenga zvakare mudare, asi vachiti kudzingwa kuri kuita vanhu veCCC hakuna maturo ose.

Vati, “Zvekubudiswa mudare reNational Assembly zvagara hazvina kana maturo, hazvina musoro nechikonzero chiripachena chekuti ndini ndinotungamirira nhengo dzeCCC muNational Assembly.

Kududzira kuti kana pane zvinoda kutaurwa kubva kuCCC zvinobva kwandiri. Nyaya yekudzingwa kwenhengo dzeCCC takataura kuti Tshabangu uyu haisi nhengo yeCCC naizvozvo haana masimba ekudzinga nhengo dzeCCC. Saka hazvina ungatambira zvinhu zvisina kana maturo.”

Vamwe vadzingwa muNational Assembly vanosanganisira mutevedzeri wemutauriri webato reCCC, VaGift Ostallos Siziva, VaAdmore Chievero vekuChegutu West, VaStephen Chatiza vekuGoromonzi West naVaOliver Mutasa vekuZvimba West.

Hatina kukwanisa kubata VaTshabangu kana mutauriri wavo, VaKhaliphani Pugeni, sezvo vanga vasingadairi nharembozha dzavo izvo zvapa kuti Studio7 isaziva kana VaTshabangu vachapikisa mutongo wedare reHigh Court iro ramisa kudzingwa kwenhengo dzeCCC.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG