Accessibility links

Breaking News

Mhuri yeNhengo yeCCC Yakapambwa neKupondwa kuMabvuku, VaMasaya, Inokwanisa kuCherechedza Mutumbi Wavo kuParirenyatwa


VaTapfumaneyi Masaya
VaTapfumaneyi Masaya

Mhuri yaVaTapfumaneyi Masaya, nhengo yeCitizens Coalition for Change (CCC) yakapambwa kuMabvuku nemusi weMugovera nevanofungidzirwa kuti vasori vachishanda nenhengo dzeZanu PF, yazivisa kuti mutumbi wakawanikwa nemusi weSvondo kuCleveland ndewavo mushure mekuratidzwa mutumbi uyu kuchipatara cheParirenyatwa neChipiri mangwanani.

Mudzimai waVaMasaya, Amai Maria Zhuwawo, vati vaona mutumbi wemurume wavo nhasi mangwanani mushure mekunge mwana wavo akatadza kucherechedza mutumbi uyu nekuti wainge wakapiswa uye kuzvimba.

“Taona mutumbi wange wakaita semunhu apiswa nemoto. Wange wakazvimba wakachekwa chekwa muviri wese. Wange wakazvimba muviri wese zvawo. Musoro wange wakazvimba. Mwana paakaenda nezuro haaka kukwanisa kuvaziva.”

Mumashoko avo kuvatori venhau, mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati hama dzaVaMasaya dzaona kuti mutumbi wange uri kuchipatara ndewavo.

VaNyathi vati mapurisa ari kuferefeta nyaya yekushaya kwaVaMasaya vachakamirira zvichabuda mutsvakurudzo yekuti vakafa sei? kana kuti Post Mortem, iyo iri kutarisirwa kuitwa mangwana,

Zvichakadai, vakafanobata chigaro chemutewedzeri wemutauriri webato reCCC, VaGift Ostallos Siziva, vati vano shushikana zvikuru kuti vanhu vachiri kupambwa nekuurayirwa nyaya dzezvematongerwo enyika.

Nhengo dzeCCC kuMabvuku dziri parufu rwaVaMasaya.
Nhengo dzeCCC kuMabvuku dziri parufu rwaVaMasaya.

Vati vaendesa gwaro renyunyuto kumukuru wemapurisa, Commissioner General Godwin Matanga, kuti nyaya dzekupambwa nekuurayiwa kwevanhu dziongororwe.

“Tanyorera mukuru wemapurisa kuti vznzwisise kuti nyaya iyi inofanira kutariswa, vari kupambwa vari kuwwanda asi vari vari kupara mhosva idzi vari kuregwa vachingofamba.”

Vaenderera mberi vachitiwo vanyorera magwaro enyunyuto kuparamende, komisheni inoona nezvekuchegetedzwa kwekodzero dzevanhu, yeZimbabwe Human Rights Commission, pamwe nemasangano akaita seSADC neAfrican Union.

Vati nyaya dzekupambwa, kupondwa nekushungurudzwa kwevanhu dziri kuenderera mberi nekuti nyika haina kuita sarudzo dzakachena uye vanhu vari kurangwa kuti vakaramba bato reZanu PF musarudzo dzakaitwa muna Nyamavhuvhu.

Hatina kukwanisa kunzwa kubvaZanu PF sezvo mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko mubato iri, VaFarai Marapira, vange vasati vapindura mibvunzo yedu yatavatumira tisati taenda pamhepo.

Asi mumwe wechidiki muboka revechidiki veZanu PF, VaTaurayi Kandishaya, vanoti Zanu PF haineyi nezviri kuitika muCCC, vachiti bato ravo riri kutsvaga rutsigiro kuti rikunde musarudzo.

“CheZanu PF kutsva rutsigiro kuti ikunde musarudzo.”

Muzinda weAmerica, sangano reAmnesty International, pamwe nebato reMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora vaburitsa magwaro ekushoropodza chiitiko ichi, vachikurudzira hurumende kuti iferefete kukwira kwenyaya dzekupambwa, kushungurudzwa nekupondwa kwevanhu vanoita zvematongerwo enyika, nhengo dzeparamende, vanorwira kodzero dzevanhu, pamwe nevanopikisa hurumende.

Vari kukwikwidza vakamirira CCC kuMabvuku-Tafara, VaFebian Munyaradzi Kufahakutizwi.
Vari kukwikwidza vakamirira CCC kuMabvuku-Tafara, VaFebian Munyaradzi Kufahakutizwi.

VaMasaya vakapambwa pamwechete naVaJeffrey Carlos, avo vakazowanikwa kupurazi reChabwino vakakuvadzwa zvakaipisisa.

Kupambwa kwevaviri aya kunotevera kupambwa nekurohwa zvakaipisa kwedzimwe nhengo dzeCCC dzinosanganisira, VaWomberaishe Nhende, VaJames Chidhakwa pamwe nenhengo yeparamende VaTakudzwa Ngadziore kubvira munaGunyana kusvika pari zvino.

Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi vati zviri kuitika munyika zvinoreva kuti hamuna runyararo uye munoda kuitwa nhaurirano kuti zvinhu zvigadzikane.

“Munyika hamuna runyararo, hamuna kuyanana, chinodiwa munyika muno ndechekuti zvizvarwa zvemuno zviyanane.”

Nyika iri kudzokera musarudzo dzemaBy-Election munaZvita mushure mekunge nhengo dzeCCC dzeparamende nemakanzura dzadzingwa mushure metsamba dzakanyorwa naVaSengezo Tshabanhu avo vanozviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webato iri, asi bato iri richiti VaTshabangu haisi nenhengo yeCCC.

Pave nekutyirwa kuti vanhu vakawanda vachasangana nekushungurudzwa kwakadayi kusarudzo idzi kana zvakasagadziriswa nekukasika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG