Accessibility links

Breaking News

Hondo yeIsrael ne Hamas Yoenderera Mberi


Vakakuvara muHondo yeIssrael neHamas vari muchipatara.
Vakakuvara muHondo yeIssrael neHamas vari muchipatara.

Hondo pakati peIsrael neHamas iri kuenderera mberi panguva iyo nyika zhinji nemapato anowona nezverunyararo vachikurudzira kuti pave nehurukuro yekumisa hondo pakati pemativi maviri avaya.

Hurumende yeAmerica yakatara Hamas sechikwata chematororo.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vari kutarisirwa kusangana nemutungamiri weIndonesia, VaJoko Widodo, nhasi apo vazhinji vari kutarisira kuti vaviri ava vachazeya nezvehondo iyi.

Bazi rezvehutano remuGaza, iro rinonzi riri kushanda neHamas, rinoti vanhu vashaya muhondo iyi vemuPalestine vanodarika zviuru gumi nemazana mashanu.

Israel inotiwo vanhu vashaya muhondo iyi munyika mayo vanodarika chiuru nemazana mana.

Nyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu uye vari gweta, VaKennedy Masiye, vanoti zvakaksoha kuti hurukuro dzekuyedza kuti pave nerunyararo dzienderere mberi.

"Tinoshuwira kuti parambe pane masangano nehurumende vanoramba vachikurudzira kuti pave nenhaurirano dzekuti pave nerunyararo kuitira kuti hondo iyi ipere." VaMasiye vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG