Accessibility links

Breaking News

Vakawanda muGlen View Vochemedzwa neMvura Inobva muPombi dzeMasuweji Yavanoti Iri Kupinda muDzimba Dzavo


Mvura ine tsvina iri kungoerera mumusha weGlen View muHarare.
Mvura ine tsvina iri kungoerera mumusha weGlen View muHarare.

Vagari vakawanda muGlen View vanoti vari kugara mudzimba dzine mvura iri kubva mupombi dzemasuweji dzakaputika. Vagari ava vanoti izvi zviri kuisa hutano hwavo parumananzombe.

Kunzvimbo zhinji mumisha yeGlen View 1, 2 ne 3 kwashanyirwa neStudio7 kune mweya wetsvina unokachidza zvekutadza kufema, kunyanya kune avo vanenge vachitanga kusvika munzvimbo idzi.

Asi vagari vemunzvimbo idzi vaudza Studio 7 kuti aya ndiwo mararamiro avo mazuva ose, vachiti nzvimbo dzavo dzinogaroerera mvura ine tsvina iyi uye kanzuru iri kutora nguva yakareba kugadzirisa dambudziko iri.

Vamwe vagari vanoti vave kukwanisa mwedzi vakatarisana nedambudziko iri..

Gogo Maimbodei Makuyana ndemumwe wevagari vekuGlen View 2 vanogara pamba panofamba pamwe nekuungana mvura ine tsvina iyi.

Vanoti vanogara vakabatira hura mumaoko sezvo hutano hwavo huri panjodzi.

Vati, “Tirikutambudzika nenyaya yemvura dzetsvina idzi. Apa tirimunguva yeCholera saka tototyira kuti tichapera zvikaramba zvakadai. Ini chimbuzi changu hachimboputiki kubvira 1979 asi dambudziko zvimbuzi zvirikumusoro kwedu."

Izvi zvatsigirwawo naVaTinashe Muyaka vanogarawo pamba panofambawo zvakare nemvura ine tsvina iyi. Vanotiwo kanzuru ndiyo honzeri yedambudziko ravo.

Vati, “Mvura dzetsvina dzirikungoputikapadzimba dzedu idzi. Mvura inetsvina iyi haina kwairi kuenda irikuuya youngana yopinda mudzimba dzedu. Hatisi kufara nekuti dzimwe dzimba dzemain-fill dzakaiswa paifamba nemvura yetsvina iyi. Sakahakuna mvura iyi kwaichaenda nekuti vanhu vakavhara paifamba nemvura. Dai vatibatsira. Ikezvino takugara tichingofema mweya wemvura dzetsvina.”

Munwe mugari wemunzvimbo iyi, Amai Panashe Chakanyuka, vatiwo panonaya mvura dambudziko ravo rinowedzera vachiti mvura ine tsvina iyi inotopinda mudzimba.

Vati, “ Mvura inenge yakazara pese apa nyangwe magetsi tinotodzima. Mvura inotopinda mumba pese pamukova apa panenge pakazara mvura nekuti haifambi. Inopinda zvakare nemumadziro. Saka kana mvura yatanga kunaya tinotobvisa zvese izvi zviripasi mumba nekuti mvura inenge yakazara mumba uye zvese zvinhu izvinenge zvirimumvura.”

Nhengo yeCombined Harare Residents Association, uye vari mugari wemuGlen View, Muzvare Joyleen Nyachuru, vatiwo mvura yetsvina iyi iri kukonzera kuwanda kwezvirwere zvemudumbu.

Vati, “Dzimba zhinji dzavekugara dzakazara tsvina nekuda kwekuti maseweji haasi kugadzirwa nenguva uye varwere vemudumbu kuno kuGlenview varikurambowanda sezvo maseweji achipedza nguva asina kugadzirwa. Vagari pavanoenda kukanzuru kunnyunyuta varikusvikotukwa vachinzi makunyanya kana kuita kuti nharembozha dzavo dzoblockiwa kuti dzisapinde kuvanhu vekanzuru.”

Vatiwo vashandi vekanzuru vari kubatawo vagari zvakaipa sezvo pachinzvimbo chekubatsira vane dambudziko iri, vagari vari kutukwa.

Kusabatwa zvakanaka uku pamwe nekugara vaine mvura dzetsvina padzimba ndokwakapawo vagari ava kuti vanyore tsamba yenyunyuto kumunyori wekanzuru neChishanu chapfuura.

Mutsamba umu vagari vainyunyutawo naVaMoses Diko, mushandi wekanzuru kuhofisi yekuGlen View vachinzi vanga vasiri kubatsira vari kugara munzvimbo dzinoyerera mvura iyi.

Mutsamba yenyunyuto iyi vagari vekuGlen View vari kuti vanodawo kuti kanzuru yeHarare isangane navo yotsanangura kuti ichagadzira sei zvachose dambudziko iri.

Tsamba iyi ine runyoro rwevanhu vanodarika mazana matatu vekuGlen View.

Kunyangwe zvazvo Studio 7 yazvionera pachena dzimwe nzvimbo dzinoyerera mvura iyi padzimba, mutauriri wekanzuru yeHarare, VaStanley Gama, vati kubva zvaputika chirwere cheCholera muHarare, vari kugadzirisa dambudziko rekuputika kwepombi dzetsvina.

Vati, “Izvozvi varikugadzirisa kunematambudziko. Mapombi anofamba nemvura dzetsvina awa haaputiki ega. Zvinhu zvinoiswa mumapombi iwawa ndizvo zvinoputitsa .

"Mishonga irikuendeswa kwakasiyana-siyana asi donzvo redu guru nderekuti tigadzirise pombi dzinenge dzaputika kuitira kuti isapinde mudzimba. Panyaya yekuvakwa kwedzimba pamusoro panofamba nemvura dzetsvina hazvibvumidzwi ndosaka muchiona kanzuru ikezvino irimubishi kubvisa zvivakwa zvisiripamutemo izvi. “

Kanzuru yeHarare iyi yakatovharawo chimwe chikoro chayo chinonzi City of Harare Day Care Center nekuda kwemvura yetsvina iyi masvondo matatu adarika.

Nyanzvi mune zvehutano uye vari mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vakaudza Studio 7 munguva shoma yapfuura kuti Cholera haigoni kupera munyika sezvo zvinokonzera kuti chirwere ichi chipararire zvisiri kugadziriswa.

Vati, “Muno mumadhorobha vanhu vachine dambudziko remvura, marara haasi kutakurwa, maseweji akaputika anotora nguva yakareba asina kugadzikwa.”

Hurumende yakazivisa kuti vanhu makumi mapfumbamwe nevashanu vanofungidzirwa kuti vakabatwa nechirwere cheCholera ichi nezuro, gumi nevapfumbamwe vari vemuHarare uye makumi matatu vari vekuChitungwiza.

Kusvika mukupera kwezuva nezuro, hurumende inoti vanhu vanofungidzirwa kuti vafa neCholera izana nemakumi mana nevaviri uye makumi mana nevapfumbamwe vanotozivikanwa kuti vakashaya nekuda kwechirwere ichi kubva zvachatanga muna Kukadzi wegore rino.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG