Accessibility links

Breaking News

Muzvare Henrietta Rushwaya Pamwe naVaMunyaradzi Kereke Voramba Vari Mutorongo Vakamirira Mitongo Yavo


Henrietta Rushwaya ari mudare.
Henrietta Rushwaya ari mudare.

Mutungamiri weZimbabwe Miners' Federation, Henrietta Rushwaya pamwe nenhengo yeZanu PF Munyaradzi Kereke, vacharamba vari mutorongo mushure mekunge vatongi vematare nhasi vasina kupedza kutonga nyaya dzavo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana siyana.

Mutongi wedare, VaPisirayi Kwenda, nhasi vati vari kuda kunzwisisa nzira itsva dzekupa mitongo dzakabudiswa neZimbabwe Judicial Commission nekudaro vati vachapa mutongo waMuzvare Rushwaya svondo rinouya izvo zvatambirwa negweta raMuzvare Rushwaya, VaOliver Marwa

Rushwaya vakabatwa nemhosva svondo rapera yekuda kubuda zvisiri pamutemo negoridhe rine huremu makirogramu matanhatu muna 2020 uye vanga vanzi vachapihwa mutongo nhasi.

Gweta raRushwaya, VaMarwa, vaudza vatori venhau kuti Rushwaya havana kuvapa mvumo yekutaura nevatori venhau. Vati, “ Handina kupiwa mvumo yekutaura nevatori venhau. Endai motaura naye pajere apo paari.”

Pakasungwa Rushwaya aienda kuDubai uye anonzi akaedza kubuda negoridhe iri nekunobuda nevakuru vakuru venyika kana kuti VIP route yepanhandare yendege yeRobert Mugabe International Airport.

Mune imwewo nyaya, akambomirira Bikita West mudare reNational Assembly, Munyaradzi Kereke adzoserwawo muhusungwa.

Munyaradzi Kereke
Munyaradzi Kereke

Kereke vakasungwa nekomishini inorwisa huori yeZimbabwe Anti Corruption Commission vachipomerwa mhosva yekubira Harare City Council mari inosvika zviuru mazana mana emadhora ekuAmerica.

Mapepa ari kumatare anoti Kereke achishanda nemukuru weHarare Municipal Medical Aid Society, VaEveristo Rukasha, vakanyepera kuti HMMAS yaiva nechikwereti chaKereke mushure mekunge Kereke atengesa chipatara chake chainzi Fotress Hospital kuRuwa.

HMMAS yakatenga chipatara ichi muna 2014. Kereke, uyo anga ane chikumbiro chekuti atongwe achibva kumba, audzwa nemutongi wedare, VaMarehwanazvo Gofa, kuti adzoke musi wa13 Mbudzi.

Asi vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rakazvimiririra re Community Solutions Zimbabwe, VaBhekimpilo Sibanda, vaudza Studio 7 vati kusungwa kwedzimwe nhengo dzeZanu PF hazvirevi kuti nyika yave kuda kugadzirisa nyaya dzehuori nehumbavha.

Vati vachazotenda kana Muzvare Rushwaya vapiwa mutongo unokodzera.

“Kana kuti zvirikuitigwa kuti vanhu vambowona sekuti hurumende yatanga kushanda panyaya dzehuori,” vanodaro vaSibanda.

Vachipawo maonero avo panyaya iyi, mutungamiriri webato re Peoples Unity Party, VaHerbert Chamuka, vatiwo kubatwa nemhosva kwaMuzvare Rushwaya kunogona kunge ingori nzira yekunyaradza veruzhinji sezvo nyaya iyi yakatsamwisa vanhu vakawanda.

Vati, “ Iyi mhosva yaenda pachena yaonekwa nemunhu wese ndosaka maona achisungwa asi hazvirevi kuti kana akatongerwa kugara mujeri, Henrietta Rushwaya achagara mujeri kwenguva yakareba. Inyaya yekungoti sanopinda umu tokubudisa kuti vanhu vanyarare.”

Vachitaura vakazvimirira, asi vari chipangamazano muZimbabwe Democracy Institute, VaStanford Nyatsanza, vatiwo vamwe vanosungirwa nyaya dzehuori vanongobatwa kwenguva shoma voregerwa nekudaro vanhu havangapemberi.

Vati, “ Kutitizonyatsoona kuti varikuda kupedza huori chaiko tichaona nemutongo uchapiwa nekuti kusungwa chete zvimwe pada mangwana vachabudiswa.”

Asi imwe nhengo yeZanu PF, VaTaurai Kandishaya, vati kusungwa kwevaviri uku mucherechedzo wekuti hurumende iripo inoda kurwisa huori. Vati, “ Ngavadzidze kutenda kana pachirwisa huori. Rushwaya haasi nhengo ye Central kana Politburo. Kereke akaita MP karekare saka hatingati vanhu vanotomborema muZanu PF.”

Zvichakadai, mumwe murwiri wekodzero anogara kuAmerica, VaFreeman Chari, vakakwira kudare reHighCourt vachitsutsumwa nezvemutemo weCriminal Law Codification Reform Act ( Ammendment) inonzi Patriotic Act vachiti zvimwe zvidimbu zvemutemo uyu hazvienderani nezviri mubumbiro remitemo yenyika. VaChari izvi zvinotyora kodzero dzezvizvarwa zvenyika.

Nyaya iyi yakatarisirwa kunzwikwa svondo rinouya.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG