Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inopa Vashandi Vayo Mari yeBhonasi reGore Rino


Sachigaro vesangano revashandi vehurumende, reZCOPSTU, Amai Celia Alexander.
Sachigaro vesangano revashandi vehurumende, reZCOPSTU, Amai Celia Alexander.

Hurumende inonzi yapa vashandi vayo mari dzemabhonasi dzegore rino dzinoita zvikamu zana kubva muzana, kana kuti 100 percent, mumadhora ekuAmerica uye madhora emunyika.

Mari idzi dzinonzi dzichabhadharwa mukati memwedzi miviri kutanga mwedzi uno waMbudzi nemuna Zvita.

Izvi zvabuda pamusangano weNational Joint Negotiating Council, NJNC, waitwa nhasi muHarare nevamiriri vehurumende pamwe nevamiriri vevashandi.

Sachigaro vesangano rinomirira vashandi vehurumende vese, reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, Amai Cecilia Alexander, vatsinhira shoko iri vachiti sevashandi vazvitambira nemufaro.

Amai Alexander vanoti vatambirawo hurongwa hwekuti vashandi vabhadharwe mari idzi mukati memwedzi maviri.

"Bhonasi regore rino richabhadharwa zvikamu zana kubva muzana. Toti 100 percent ye the US dollar component, nemari yemuno. Zvakati siyaneyi nemamwe makore ose. Tona ka improvement kekuti mamwe makore taiziva kuti vamwe vaibhadharwa mumwe mwedzi, vamwe vozobhadharwawo mumwe mwedzi," vanodaro Amai Alexander.

Vanoti gore rino zviri kungobhadharwa zvakaenzana kuti mapoka ose vanobhadharwa zvikamu makumi mashanu kubva muzana muna Mbiudzi, zvimwe zvikamu makumi mashanu kubva muzana muna Zvita.

Musangano uyu unonzi wakurukurawo nyaya dzimwe dzinobata mashandiro evashandi vehurumende uye zvichemo zvevashandi zvinosanganisira mari dzekubatsirikana pamwe nemari dzekutenga mbatya dzekushandisa kumabasa, kana kuti clothing allowances.

Studio 7 yakundikana kubata gurukota idzva rezvevashandi nemabasa, VaJuly Moyo, kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.

Asi VaMoyo vakagara vazivisa zvavo kuti gore rino hurumende ichapa vashandi vayo mari dzemabhonasi idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG