Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeCCC kuGutu West Dzochema Kuti Dziri Kushungurudzwa neVanofungidzirwa Kuti Inhengo dzeZanu PF Pamberi peSarudzo dzeBy-Elction


Gutu West ine sarudzo dze by-election neMugovera.
Gutu West ine sarudzo dze by-election neMugovera.

Vatsigiri vebato reTripple CCC vasere vanoti vakarohwa zvakaipisisa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF neChitatu manheru pazvitoro zvekwaChiriga kuGutu West.

Vashanu vevanoti vakarohwa ava vanoti vasungwa nemapurisa epaChatsworth mushure mekunge vamhan'ara nyaya iyi, uye vamiswa pamberi pedare kwaMupandawana vakabvisiswa madhora makumi maviri pamunhu semari yechibatiso kuitira vatongwe vachibva kudzimba dzavo.

nhengo dzeCCC.
nhengo dzeCCC.

Izvi zviri kuitika pamberi pesarudzo ye by-election munzvimbo iyi nemusi weMugovera.

Vanhu vashanu vakakuvara zvakaipisisa uye vakandorapwa pachipatara cheChatsworth uye mumwe chete apihwa mubhedha pachipatara cheGutu Mission.

Mumwe wevakarohwa, VaTapiwa Chiro, vaudza Studio7 vari pakamba yemapurisa kuti vavanofungidzira kuti vatsigiri veZanu PF vaive vakavhara kumeso vakapinda muchitoro chavo zvechisimba ndokuvarova.

“Vakauya vakavhura door nechisimba vakavhara kumeso vakatanga kurova mudzimai wangu ndokuuya kwandiri ndokuzoenda kubhawa uko vakandorova vaivamo,” vadaro VaChiro.

Vamwe vevakarohwa ndiVaPatrick Chimbare, Amai Loveness Gwatidzo, VaBrian Sithole, Amai Priveledge Goremusandu, VaSydney Mashiri naVaEphrain Tavarwisa

Amai Goremusandu vati vatsigiri veZanu PF ava vaitungamirwa naVaBenson Gadzikwa avo vavakakwanisa kuziva.

Mhirizhonga
Mhirizhonga

“Ndakatodeedzwa kwandaiva ndakagara zvichinzinvamwe varikurohwa tikamhanyirako tikawan vachirohwa ndopatakazotiza ,” Amai Goremusandu vanodaro.

Imwe nhengo yeCCC mudunhu rekwaGutu, VaLloyd Mufudze, vatenda kuti vatsigiri vavo vakarohwa uye vasungwa vachipomherwa mhosva yekuita mhirizhonga.

“Vanhu vedu vakangorohwa vari pataundishipi nevanhu veZanu pf hanzi vange vane ma batton stick asi hatizivi kuti vakamawanepi uye vasungwa vaenda kundomhan’ara vaswera pakamba,”VaMufudze vadaro.

VaMufudze vati vatsigiri vavo vashanu vaswera pakamba yemapurisa yepaChartsworth apo vapidigurirwa nyaya vakanzi ndivo vakaita mhirizhonga.

Hatina kukwanisa kubata vari kumirira Zanu PF musarudzo idzi, VaJohn Paradza, sezvo vangava singadairi nhare yavo kana VaGwatidzo avo vanonzi ndivo vaitungamirira vakarova.

Asi mutauriri weZanu PF muMasvingo, VaPepukai Chiwewe, vati manyepo havaiti zvemhirizhonga asi vatsigiri vavo ndivo vakatorohwa ne CCC.

Mapurisa asunga nhengo dzeCCC dzamhan'ara.
Mapurisa asunga nhengo dzeCCC dzamhan'ara.

“CCC inoita mhirizhonga kunzvimbo dzainoona kuti Zanu PF ine rutsigiro vozochema kuti sarudzo hadzina kuitwa zvakanaka panobuda dudzidro vakundwa,”VaChiwewe vadaro.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa muMasvingo, Assistant Ispector Lorraine Ndlovhu, vati havasati vanzwa nezvenyaya iyi sezvo vange vasiri muhofisi.

Vati tibate mutauri wemapurisa munyika, Assistant Commisioner Paul Nyathi. Asi VaNyati vange vasingadairi nhare yavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG