Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuBikita neNzvimbo Dziri Pedyo neMugodhi weLithium, weBikita Minerals, Vonyunyuta neMabatirwo Avo neKambani Iyi


Matombo ane chicherwa che lithium kuMasvingo.
Matombo ane chicherwa che lithium kuMasvingo.

Vagari vekuBikita munzvimbo dziri pedyo nemugodhi weBikita Minerals, uyo unochera lithium, vanoti havasi kufara nemabatirwo avari kuitwa nekambani iyi sezvo pasina zvairi kuita mukusimudzira hupenyu hwavo.

Vagari ava vanoti kunyange hazvo vamwe vashoma vakapinda basa pakambani iyi, hupenyu hwakavaomera nekuti vazhinji havana kukwanisa mabasa aya izvo zviri kuita kuti vatambure asi mugodhi uyu uchiwana mari kubva ku lithium.

Mumwe mugari wemuBikita, Amai Viola Mapurisa, vanoti vairarama nekutora matombo anenge agaiwa vachitengesera vanoda kusukisa midziyo mumugwagwa weMasvingo-Mutare asi izvi zvakamiswa nevaridzi vatsva vekambani iyi.

“Kubva zvakangotanga maChina paBikita Minerals madzimai mazhinji vaitengesa vhimu vakamiswa. Ndizvo zvaitiraramisa saka tavekunonga svosve nemuromo,” vadaro Amai Mapurisa.

Kambani yeBikita Minerals yakatengwa gore rapera nekambani yekuChina, yeSinomine Resource Group, nemari inodarika zana nemakumi mapfumbamwe emamiriyoni emadhora ekuAmerica kubva kukambani yeAfrican Metals Management Services, iyo yaive nezvikamu makumi maviri nezvitanhatu kubva muzana, pamwe neSouthern African Metals and Minerals, inova kambani yechizvarwa chekuGermany, VaWilfied Pabst, avo vaive nezvikamu makumi manomwe nezvina kubva muzana mukambani yeBikita.

Mugodhi we lithium.
Mugodhi we lithium.

Sinomine inonzi yakasimawo mari inoita mazana maviri emamiriyoni emadhora ekuAmerica ichivandudza mashandiro epakambani iyi, uye kuvaka nzvimbo mbiri dzekuchenesa lithium kuitira kuti paburitswe matani espodumene mazana maviri nemakumi mashanu ezviuru uye chicherwa che petalite matani mazana mana nemakumi masere ezviuru pagore.

Mukuru wesangano reBikita Institute of Land Development, VaMountain Mujakachi, vanoti kambani iyi haisi kuvandudzawo nzvimbo dzavo nemari yairi kuwana mukuchera lithium pasi pechirongwa cheCorporate Social Responsibility.

“Havasi vanhu vose vanokwanisa kuwana basa paBikita Minerals saka tinenge tichitarisa kuti vamwe vabhenefite ne development inoitwa munzvimbo yavo asi hatisi kuiona,” VaMujakachi vadaro.

Izvi zvatsinhirwa nakanzura weWard 34 muBikita, VaMark Mutengami, vachiti havasi kufara nezviri kuitwa nekambani iyi pakuvandudza budiriro mudunhu ravo.

“Hapana kunyatso kuwirirana in terms of production nezviri kuitika mu development munyaya dzezvekuvaka ma roads, zvikoro nezvimwe zvakadaro,” vanodaro VaMutengani.

Mumwe mushandi asina kuda kudomwa nezita rake, anoti vashandi vepakambani iyi vanoshandiswa kwemaawa akawanda vasingabhadharwe zvinoenderana nebasa ravanoita, uye vasina kuchengetedzwa kubva munjodzi dzinoitika pamabasa.

“Tiri kushandiswa kwenguva yakareba, pamwe 12 hours asi tisingawani mari ye overtime uye zve safety hakuna. Vamwe vari kudhirikirwa mumigodhi,” mushandi uyu adaro.

Kambani iyi yakambomiswa kushandwa muna Chikunguru kwemazuva manomwe ichinzi igadzirise zvinhu zvaive njodzi kuvashandi.

Mwedzi wapfuura, mumwe mushandi, VaNelson Musendekwa, vakafira pabasa mushure mekutsitsirirwa nemushina unotakura matombo anenge ane lithium.

Munyori mukuru musangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vati vari kutambira zvichemo zvakawanda kubva kuvashandi vari kubatwa zvakaipa pamigodhi yemakambani ekuChina.

Makambani ekuChina akawanda ave kuchera lithium munyika.
Makambani ekuChina akawanda ave kuchera lithium munyika.

“Tiri mukuwana ma reports akawanda evashandi vema investors ekuChina vari kuti vavari kushandira havakoshesi mitemo yenyika yekushandirwa,” VaMoyo vanodaro.

Mukuru weCenter for Natural Resources Governance, VaFarai Muguwu, vanoti makambani evekuChina ari kutyora kodzero dzevashandi nevagari vemunharaunda nekuti hapana zvaari kuitwa nehurumende.

“Vekunyika yeChina vazhinji havachengetedzi mutemo uye havana mapepa. Vakabvunzwa vanoti takatenderwa nevakuru vehurumende. Ndivo vari kuvachengetedza kuti vaite zvavanoda,” VaMaguwu vadaro.

Asi gurukutoa rezvemigodhi, VaSoda Zhemu, vati havasati vatambira zviri pamutemo zvichemo kubva kumigodhi yakaita seBikita Minerals.

“Hatisati tawana ma complaints zviri official saka hapana zvatingaita kunze kwekuti vanhu vauye nema complaints zviri pamutemo tozoita ma investigations,” VaZhemu vadaro.

Vagari vemunzvimbo yekwaMarozva vanotiwo kambani iyi iri kukanganisa nharaunda yavo nekuchera makomba isingaafushiri uye vagari vari kukanganiswa neruzha rwunobva mukutsemurwa kwematombo, izvo zviri kuita kuti dzimba dzavo dziite mitswe.

VaSoda Zhemu
VaSoda Zhemu

Nhengo yesangano reZimbabwe Environment Lawyers Association, VaObert Bore , vanoti vari kushushikana nekukanganiswa kunoitwa nharaunda nemakambani emigodhi ezvizvara zvekuChina ayo vari kuendesa kumatare edzimhosva.

“Tine ma case atakaita ekuendesa makambani ekuChina kumatare ezvimhosva, sekambani yeAnjin kwaMarange kuma diomonds nekudaro,” Vdaro VaBore.

Mutauriri weBikita Minerals, VaCollin Nikisi, vanoti kunze kwekuvandudza budiriro nekuchera zvibhorani, kugadzira migwagwa nezvikoro nemakiriniki, kambani yavo yakapinza vanhu vemunharaunda vakawanda mabasa kuti vakwanise kuriritira mhuri dzavo.

“Tiri kuvandudza nharaunda tichivaka zvikoro nemigwagwa. Iye zvino takavaka makiriniki maviri mwedzi yapfuura iyo muBikita nekuGutu South kuMakwirivindi,” VaNikisi vanodaro.

Kambani iyi inoti ine vashandi chiuru chimwe chete nemazana mana, uye pavashandi ava mazana mapfumbamwe nemakumi maviri vanhu vemunharaunda dzakapoteredza Bikita.

Vashandi vemumugodhi vekuChina.
Vashandi vemumugodhi vekuChina.

VaNikisi vatiwo vane makambani avakapawo makondirakiti emabasa ayo ane vashandi chiuru chimwe chete nemazana maviri.

Pavashandi ava, VaNikisi vati mazana masere nemakumi matanhatu vanhu vemunharaunda.

Kambani iyi inochera matani zviuru mazana matatu zve lithium pagore.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuti kambani iyi iri kuwana marii pagore.

Asi vachitaura nevatori venhau mwedzi mishoma yadarika, mukuru wezvemari muBikita Minerals, Amai Amanda Makausa, vakati gore rino vari kutarisira kuwana mari inodarika mazana manomwe nemakumi mashanu emamiriyoni emadhora ekuAmerica, uye gore rinouya vanotarisira kuwana mari inodarika bhiriyoni rimwe chete remadhora ekuAmerica.

Lithium inoshandiswa kugadzira mabhatiri emotokari dzisingashandisi dhiziri nepeturu, uye iri kumhanyirwa zvakanyanya nemakambani anogadzira motokari dzinofamba nemagetsi.

Imwe kambani yekuChina, Zhejiang Huayou Cobalt, yakatengawo kambani yeProspect Resources, iyo inochera lithium kuGoromonzi mudunhu reMashonaland East.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG