Accessibility links

Breaking News

Musangano weKimberley Process Uri Kuitirwa muZimbabwe Unozeya Matambudziko eMangoda Ane Ropa


 Vamwe vari kupinda musangano weKimberley Process kuVictoria Falls.
Vamwe vari kupinda musangano weKimberley Process kuVictoria Falls.

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, vachema nekukwira kwekusawirirana pakati pevagari nedzihurumende pamusoro pekugoveranwa kwezvinowanikwa kubva mukutengeswa kwemangoda.

VaMohadi vataura mashoko aya pakuvhura zviri pamutemo musangano weKimberley Process Certification Scheme uri kuitirwa kuVictoria Falls.

Zimbabwe iri kuita musangano uyu sasachigaro weKimberley Process, uye uri kuitirwa padandemutande pamwe nevanhu vachisangana panyama.

Musangano uyu unonzi uri kutarisawo matambudziko anosangana nebandiko remangoda, uye kutsvaga nzira dzekupedza nadzo gakava pamusoro pemangoda anonzi ane ropam, uye kutsvaga nzira dzekutaura nezwi rimwechete.

Pane mashoko ekuti hurumende yeZimbabwe kuburikidza nekambani ye Consolidated Diamond Company, yakaisa parutivi mari inoita miriyoni imwe nezviuru mazana maviri emadhora ekuAmerica, kana kuti US$ 1. 2 million yakanangana nezvirongwa zvekusimudzira nharaunda dzemudunhu re Marange.

Vanhu vanodarika mazana mana vanobva kunyika makumi mashanu nepfumbamwe, kusanganisira Zimbabwe, vari kupinda mumusangano uyu, uyo uri kupindwawo nasachigaro weWorld Diamond Council, Amai Feriel Zerouki.

Zvichakadaro, gurukota rezvemigodhi, VaSoda Zhemu, vati mugore rino Zimbabwe iri kutarisira kuburitsa mangoda anosvika mamiriyoni manomwe ema carat, kana kuti seven million carats, kusvika panopera gore rino.

Forum

XS
SM
MD
LG