Accessibility links

Breaking News

Bato reCCC Rinokwira kuSupreme Court Richipikisa Mutongo weHigh Court Wakasimbisa Kudzingwa kweNhengo Dzaro muParamende neMakanzuru


Dare reSupreme Court muHarare.
Dare reSupreme Court muHarare.

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change (CCC) rakwira kudare reSupreme Court richipikisa mutongo wedare reHigh Court wakasimbisa kudzingwa kwenhengo dzebato iri muparamende nemakanzura nevari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru mubato iri, VaSengezo Tshabangu.

Gweta riri kumirira nhengo dzeparamende dzeCCC, VaDoug Coltart, vaudza Studio 7 kuti vaenda kuSupreme Court nekuti vanoona sekuti dare reHigh Court rakakanganisa pamutongo waro wekusimbisa kudzingwa kwengo idzi.

Vati vane zvikonzero zvinomwe zvavanoona sekuti dare repasi rakakanganisa nekuti VaTshabangu havana kuburitsa pachena kuti vakawanepi simba rekudzinga nhengo idzi uye kuti chii chakatadzwa nenhengo idzi.

gweta reCCC, VaDoug Coltart.
gweta reCCC, VaDoug Coltart.

“Imwe nyaya iripo ndeye kuti VaTshabangu vakatadza kuburitsa humbowo mudare hunoratidza kuti samba rekudzinga nhengo idzi vakariwana kupi."

Vatiwo vanotarisira kuti nyaya iyi ichanzikwa sarudzo dze By-elections dzisati dzaitwa vachiti kana vakakunda zvinoreva sarudzo idzi hadzizoendereri mberi.

Asi mutauriri waVaTshabangu, VaKhaliphani Pugeni, vaudza Studio 7 kuti havawoni CCC ichibudirira panyaya iyi.

“Handiona vaine mukana wekubudirira chandinokurudzira ndechekuti sevana veCCC daia vagara pasi vokumbira vedzisvondo kuti vaturirane nekuti mari ichapera kumatare”

Tavabvunza kuti vachaita sei kana vanhu vakadzingwa avo vari kukwikwidza mumaBy-elections vakunda vakati semaonero avo havana zvavachakwanisa kuita.

“Handiti tirkuda kugadzira zvange zvisina kufamba zvakanaka saka kana vanhu vakati vanoda ivavo vange vakasaruddzwa nerweseri tinenge tave kutotevedzera zvido zvevanhu.”

Vaenderera mberi vachiti VaTshabangu vakadoma vanhu vakasarudzwa neruzhinji muna Nyamavhvhu kuti vakwikwidze muma-By-Elections kwete vakasarudzwa nerweseri naVaChamisa.

VaSengezo Tshabangu
VaSengezo Tshabangu

Hatina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi sezvo mushandi mukuru mubazi rekuburitswa kwemashoko mubato iri, VaFarai Marapira, vange vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachidzidzisa paAfrica University, Doctor Wellington Gadzikwa, vaudza Studio 7 kuti vanonzwisisa danho reCCC nekuti inoda kuti ikasabudirira kuSupreme Court yoinda kuma By-Elections.

“Vakatdza kubudirira kumaBy-elections vanenge vaine mukana wekuenda kusarudzo. Ndinoona sekuti zvinhu izvi zvichaita kuti nyika irambe ichingoita sarudzo, nekuti uyo akambovadzinga akatoratidza kuti kuti anokwanisa kudzinga vamwe uye nyaya iyi ikatadza kugadziriswa tichaita makore ese mashanu tichingoita sarudzo.”

Vakurudzirawo kuti CCC yaVaChamisa ive nezvigaro zvine vanhu vanozikanwa vachiti izvi zvinodzivirira dambudziko rakaita serakakonzerwa naVaTshabangu.

Nhengo dzeCCC zhinji dzacho kubva kuMatebeleland nemakanzuru eBulawayo neMasvingo dzakadzingwa mwedzi wapfuura zvichitevera matsamba akanyorwa naVaTshabangu ekuti nhengo dzebato iri dzainge dzisisamirire zvido zvebato reCCC.

Asi VaChamisa nebato ravo vanoti VaTshabangu, haisi nhengo yebato ravo nekudaro havana simba rekudzinga nhengo dzebato ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG