Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vakambopinda muZvirongwa zveKusimudzirwa kweVeChidiki neMuzinda weAmerica Vanosangana muHarare Vachipana Mazano


Mushandi wekumuzinda weAmerica muZimbabwe, VaLarry Socha.
Mushandi wekumuzinda weAmerica muZimbabwe, VaLarry Socha.

Vechidiki vanoita zvemabhizimusi vakambopinda muzvirongwa zvekusimudzirwa kwevechidiki vemuZimbabwe neAmerica kubudikidza nemuzinda wenyika iyi uri muHarare, nhasi varumbidza mikana yavakawaniswa iyo yavanoti iri kuita kuti mabasa avo avandudzike.

Vachitaura pamusangano wemazuva maviri wekusimbaradza mabhizimusi evechidiki vakambowana mikana yekubatsirwa nemuzinda weAmerica muHarare kubudikidza nezvirongwa zvakafanana necheMandela Washington Fellowship, vanoona nezvekubuditswa kwemashoko kumuzinda uyu, VaLarry Socha, vakurudzira kuti vechidiki vasatya kuita vanamuzvinhabhizimusi.

“Kurudziro yangu ndeyekuti musatye. Mukudzidzisa kwatinoita vanhu muzvirongwa zvedu, tinogara tichiti usade kuzvienzanisa nevamwe, asi ita zvako nemutowo waunogona. Nemawandiro atakaita pasi rese, haungashayi vanhu vanoziva nezvebhizimusi rako. Zvekare, musaite humbimbindoga musingadi kupanana mazano, nekuti hapana chitsva pasi pano.”

VaBen Ncube, sachigaro weZimbabwe Exchange Alumni Association.
VaBen Ncube, sachigaro weZimbabwe Exchange Alumni Association.

Sachigaro weZimbabwe Exchange Alumni Association, VaBen Ncube, vati vechidiki vemuZimbabwe vari kuwaniswa ruzivo rwekuzvisimudzira uye kusimudzirawo nyika yavo.

“Pano pane vanhu vakasiyana-siyana, vane hunyanzvi hwakasiyanawo- vamwe vabva kumasangano anoshanda akazvimirira, kuchitiwo vamwe kumapazi akasiyana. Izvi zvinokwanisisa kuti vechidiki ava vapanane mazano ekusimbaradza mabhizimusi avo kuti akure zvinemazvo. Ndinovimba kuti hurogwa hwevechidiki vari pano huchavabatsira, uye kubatsirawo nyika.”

Muzvare Theresa Nyava, avo vakabatsirwa zvikuru kuvamba nekusimudzira bhizimusi ravo rekutengesa zvinoshandiswa nemadzimai munguva dzavo dzekutevera zvinowachika, kana kuti reusable sanitary pads, vati ruzivo rwavakawana rwakavabatsira mubhizimusi ravo.

“Ini ndakapindana nebhizimusi rekugadzira mhando yemaPads iyi, mushure mekuona kuti nharaunda yedu iri kuparadzwa neaya maSanitary pads akajairika, asingaori nyore. Uyewo, muzinda weAmerica muZimbabwe une chikamu chinokurudzira kuchengetedzwa kwenharaunda, saka ndakabva ndawana mukana wekuita bhizimusi iri, rinova rinobatsirawo madzimai munyika. MaPads andinawo akachipawo kana tichienzanisa neakajairika. Chishuwo change kuramba ndichikwanisawo kubatsira madzimai nevasikana.”

Muzvare Ruvarashe Midzi.
Muzvare Ruvarashe Midzi.

Wechidiki akawanawo mukana wekupinda muzvirongwa zvedzidziso izvi, Muzvare Ruvarashe Midzi, vati zvakakosha kuti vamwe vakaita saivo vapindewo mazviri.

“Chirongwa chiripano chinobatsira kuti tizivewo kuti kana uchida kunyora gwaro rekutsvagisa mari yekubatsiridza bhizimusi rako, unozviita sei. Kubudikidza nenyanzvi dziri pano, ruzivo urwu tiri kuzviwana. Kunyange wakaita seni ndinoita nezvenyaya dzekuwaniswa kwekugara zvakanaka kwevanhu, kana vari mune zvedzidzo, tese tiri kuwaniswa dzidzo inotibatsira. Ndinokurudzira kuti vanokwanisa, ngavatsvage nzira dzekupinda muzvirongwa zvakadai.”

Wechidiki akakwanisa kuenda kuAmerica mwedzi mina yadarika pasi pechirongwa cheMandela Washington Followship, Ansy Ndondo, anoti vechidiki kana vawana ruzivo kubva kuzvirongwa zvakadai, vane musenzekete wekubatana kuti vazadzise zvishuwiro zvavo.

“Dzidziso yakadai ikatiwanawo takabatirana, tichifambira chinangwa chimwechete, zvinobatsira kuti tifambirise basa mberi. Kuchinjana ruzivo zvichienderana nezvatinenge tichiita, inzira yekutosimudzirana iyoyo. Saka ndinoti ngatirambei tichipanana mazano, nekudzidzawo kubva kune vamwe.”

Muzvare Theresa Nyava vanogadzira zvikwanisiro zvemadzimai.
Muzvare Theresa Nyava vanogadzira zvikwanisiro zvemadzimai.

America inopa zvirongwa zvakaita se The Academy for Women Entrepreneurs, African Women Entrepreneurship Program, Professional Fellows Program neche Mandela Washington Fellowship for Young African Leaders, senzira yekusimudzira vechidiki nevanhukadzi vari munyika dzichiri kusimukira dzakafanana neZimbabwe.

Musangano wemazuva maviri uyu uri kuitwa pasi pedingindira rinokurudzira kubatana kwevechidiki kuti vashandure chimiro chenharaunda dzavanobva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG