Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana neDzimwe Nyika muKucherechedza Mwedzi waMbudzi seMwedzi weChenjedzo paChirwere cheShuga, Diabetes


Murwere we Shuga
Murwere we Shuga

Apo Zimbabwe iri kubatana nedzimwe nyika mwedzi uno waMbudzi mukucherechedza mwedzi wekupa vanhu chenjedzo yechirwere cheDiabetes, nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kukurudzira vanhu kuti vaende kunovhenekwa chirwere cheshuga ukuwo vane chirwere ichi vachichema chema nemitengo yemushonga munyika.

Mumwe wevanorarama nechirwere ichi, Muzvare Heather Koga, vanoti mitengo yemishonga yeshuga munyika yoisa hutano hwavo panjodzi.

Vati, “Vazhinji vedu hatikwanisi kunge tichitenga mishonga yatinoda yakaita semapiritsi ne insulin nekuti inenge ichidhuura saka tinopedzisira tavekungorarama tisingatori mishonga iyi sekurairwa kwatinenge takaitwa nana chiremba.

"Uye zvakare zvimwe zvinoda kushandiswa zvakaita sanaglucometre nematest strip atinoshandisa kuti tizviongorore shuga mazuva ese zvinodhuura zvakare.”

Izvi zvatsigirwawo nemutori wenhau , Vanessa Gonye, uyo anoraramawo nechirwere ichi.

Gonye anoti pamwedzi anoda mari inosvika mazana maviri emadhora eku America yemishonga.

“Sezvakaita wandinoshandisa mumwe unoita $18 unodhuura wacho unoda $24. I$18 penset inobaya svondo rimwechete saka ndendichifanirwa kutenga mishonga yese iri miviri kana .pamwedzi inova mari yakawandisisa Zvikafu zvinodyiwa nevaneshuga zvinodhuura. Seni ndinototi ndikaya nhasi mangwana handibayi,” Gonye anodaro.

Vanotungamirira zvirongwa zveZimbabwe Diabetes Assocciation, VaSimeon Jamanda, vachiraramawo nechirwere ichi, vati sangano ravo rinoshushukina kuti vamwe varwere vari kutadza kutenga mishonga izvo zvavati zviri kukanganisa hutano hwavo.

“Nekuti mishonga yacho pa adherence havachaiti. Akutoti ndambozvibaya kuseni saka manheru ndiriright kana kusabaya makuseni wozvibaya manheru. Vakuwana mumwe mushonga wavasingatori kuti mushonga uya uvasvusvukidzire.

"Saka kana hurumende ikakwanisa kuti mishonga iwanikwe nemari iri pasi kana kuti iwanikwe pachena zvinobatsira kudzikisa matambudziko ekusamwa mishonga yeshuga zvakanaka,” vaJamanda vanodaro.

Nyanzvi mune zvehutano uye vaimbove gurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera, vanoti zvimwe zviratidzo zvechirwere ichi kurasa mvura yakawanda pamwe nekupera pera simba.

Vati, “Chiratidzo chekutanga kurasa mvura yakawanda ukuwo uchimwa mvura yakawanda zvinokonzerwa nekuti shuga inobuda paunenge uchirasa mvura inosveta mvura yese irimumuviri.

"Unotangawo kunzwa kuneta neta kana kupera simba ndizvo zviratidzo zvekutanga.Saka ndipo unofanirwa kukurumidza kunoongororwa chisati chakomba chirwere tsinga diki dzisati dzavhara.”

Vatiwo vamwe vanhu vanorarama nechirwere ichi asi vasingazive kuti vanacho.

“Chirwere cheshuga mararamiro ako. Munhu anofanirwa kusimbisa muviri kudzivirira zvirwere zvakadai seshuga neBP. Chepiri kuona zvaunodya. Zvekudya zvedu zvemakare kare zvanga zvakanaka zvaunodya wona kuti hazvina ma carbohydrates akawanda.”

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvehutano sezvo mibvunzo yatanga tanzi titumire nemutauriri webazi iri VaDonald Mujiri yanga isati yapindurwa pataenda pamhepo.

Asi padandemutande rebazi iri vanoti munyika pavanhu zana, gumi vanenge vaine chirwere cheshuga ichi.

Bazi iri rinotiwo hurumende irikushanda kuti ikwanise kuzowanisa mishonga yeshuga iyi pachena.

Sangano rinoona nezvezvirwere zveshuga pasi rose reInternational Diabetes Association rinoti muZimbabwe vanhu vakuru vanodarika zviuru zana nezvitanhanu nemazana mana vane chirwere cheshuga.

Sangano reWorld Health Organisation rinotiwo pasi rese vanhu mamiriyoni mazana mana nemakumi maviri nevaviri (422million) vane chirwere cheshuga.

Sangano rinoona nezvehutano pasi rese rinotiwo ndufu dzinosvika miriyoni imwe chete nechidimbu dzinokonzerwa nechirwere ichi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG