Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Yapedza Gadziriro dzeKunyoresa Vanhu Vachapinda Musarudzo Dzema By-Elections  Dzichaitwa Musi wa 9 Zvita


Sachigaro weZEC, Justice Priscilla Chigumba.
Sachigaro weZEC, Justice Priscilla Chigumba.

Harare - Zimbabwe Electoral Commission (ZEC) inoti yapedza gadziriro dzekunyoresa vanhu vachapinda musarudzo dzichaitwa mwedzi unouya dzekutsviva nhengo dzakadzingwa muparamende nemakanzuru neevari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weCitizens Coalition for Change, VaSengezo Tshabangu.

Mutauriri weZEC vari zvakare komishina, VaRodney Kiwa, vaudza Studio 7 kuti gadziriro dzapera uye vari kukurudzira vese vari kuda kupinda musarudzo idzi kuti vauye nemagwaro avo ese anodiwa akakwana.

“Tinokumbirisa kune vari kuda kukwikwidza kuti vauye nemapapa ese. Kana tichiti pamepa ese tinoreva chitupa kana kuti passport. Chatisingadi i driver's licence, uye vanofanira kunge vakanyoresa kuvhota.”

Mutauriri weZAPU, VaMusongelwa Ndhlovu, vaudza Studio 7 kuti vari mushishi yekutsvaga vanhu vachamirira bato iri kuti vanyorese mangwana.

“Tiri kupinda musarudzo vanhu vakati tisangane nayo Zanu PF mumakomo kumatenga nemumvura, tichapeedzerana nayo Zanu.”

Mutauriri waVaTshabangu, avo vanozviti ndivo vakafanobata chinzvimbo chemunyori weCCC, VaKhalipani Pugeni, vaudza Studio 7 kuti vachamirira bato ravo vange vari mushishi rekugadzira magwaro avo kuti vaaendese kudare reNomination Court neChipiri.

“Vachaenda kuseni seni kuti panovhurwa maaree aya vanenge varipo kwete zvakaitika pasarudzo dzapfuuura.”

Mutungamiriri weCCC, VaNelson Chamisa, nebato ravo vanoti VaTshabangu haisi nhengo yebato ravo uye vakafanobata chinzvimbo chemunyori anoona nezvesarudzo muCCC, VaIan Makone, vaudza Studio 7 kuti havasi kurega zvigaro zvavo zvichenda kuvanhu vasiri nhengo dzebato ravo.

“Chinhu chako chawakaruma pamazino ungarega chichiendawo here saka tarisiro yangu ndeye kuti patakabat takabat hatiregedzi.”

Tavabvunza kuti vachazvifambisasei sezvo VaTshabangu vachiti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru muCCC vakati pane musiyano mukuru pamusoro pavo naVaChamisa.

“Kana ndimiwo zvenyu pane anokwanisa kunyepera mufaninidzo waVaChamisa here.”

Nhengo dzebato raVaChamisa dzakadzingwa muparamende nemakanzuru dzaonekwawo kumahofisi eZEC dzichigadzira magwaro ekupinda musarudzo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachidzidzisa papachikoro cheChristian College of Southern Africa, VaLazrus Sauti, vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti VaChamisa vabude pachena nezvavari kuda kuita vachiti zviri pachena kuti ndivo vanodiwa nevanhu kudarika VaTshabangu.

“Ngavabude pachane, ngavaudze vana veZimbabwe chaokwadi. Vane veZimbabwe vanekodzero yekupawo pfungwa dzavo panyaya iyi nekuti pekutanga ndivo vakaita kuti vapinde muparamende. Saka ngavadzokere kuvanhu.”

Mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira, vaudza Studio 7 kuti vapedza gadziriro dzese uye vanotarisira kukunda musarudzo idzi.

“Isu sebato hatina kana dambudziko ratirnotarisira panhengo dzedu dzese, tinotarisira kuti vachanyoresa zvakanaka tingokunda muusarudzo idzi.”

Sarudzo idzi dziri kuitwa mushure mekunge nhengo dzeCCC dzeparamende, makumi maviri neina, nemakanzura mumatunhu akaita seBulawayo neMasvingo adzingwa zvichitevera tsamba yakanyorwa naVaTshabangu vachitinhengo idzi dzainge dzisisamirire zvido zvebato iri.

NeMugovera dare repamusoro rakarasa chikumbiro chenhengo idzi chekuti dzidzorerwe muparamende sezvo VaTshabangu vaive vasiri nhengo yebato ravo.

Sarudzo dzichaitwa mumatunhu akaita seBulawayo South, Cowdray Park, Lobengula-Magwegwe neNketa, nemumakanzuru eBulawayo neMasvingo.

Vakambokwikwidza vakamirira Zanu PF mudunhu reCowdry Park, uye vari gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakatozvisa kuti havasi kuzokwikwidza zvakare musarudzo idzi vachiti vakatosarudzwa kare nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, segurukota risina dunhu rarinomirira.

Sarudzo idzi dzichaitwa musi wa9 Zvita gore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG