Accessibility links

Breaking News

Madzimai eKumaruwa Akawanda Anonzi Ari Kusangana neMhirizhonga yeMudzimba Yakawanda Kudarika ekuMaguta neMadhorobha


Madzimai akawanda anonzi haataure kana achishungurudzwa mumhirizhonga yemudzimba.
Madzimai akawanda anonzi haataure kana achishungurudzwa mumhirizhonga yemudzimba.

Vanhukadzi vekumaruwa vakawanda vanosangana nemhirizhonga yemudzimba yakawanda kudarika vamwe vavo vanogara mumaguta.

Ongororo yakaitwa neStudio 7 inoratidza kuti vanhukadzi vakawanda vanotsungirira kunyange vachishungurudzwa mudzimba, vachinzi nevamwe shingai ndizvo zvinoitika mudzimba dzakawanda.

Madzitete, madzimbuya, madzisekuru kana madzisahwira nevamwe vehukama ndivo vanonzi vanenge vachiti chakafukidza dzimba matenga, zvichapera.

Madzimai akataura neStudio 7 anoti mhirizhonga yakanyanya kumaruwa nekuda kwezvikonzero zvakasiyanasiyana, zvinosanganisira kushaya ruzivo rwekuti munhu anoita sei kana asangana nedambudziko remhirizhonga yemudzimba, nyaya yekutevedzera tsika nemagariro, kuvimba nemurume pane zvose muhupenyu, kushaya ruzivo rwakakwana pamwe nezvimwe.

Mumwe ari pakati pedambudziko remhirizhonga yemudzimba ndiAmai Susan Mawuru vekuMhangura.

Amai Mawuru, avo vakarohwa nemurume wavo vakabviswa rimwe ziso, vanoti pekutanga havana kana kunomhan’ara chiitiko ichi vachinzi nemadzitete pamwe nevamwe vehukama zvichapera, ndizvo zvinowanikwa mukuvaka musha.

“Ndinoshungurudzwa kuti ndakabviswa ziso asi hama dzangu dzakandirambidza kuno mhan’ara kumapurisa pakutanga vachiti ndizvo zvinoitika mudzimba” Amai Mawuru vanotsanangura

Amai Mawuru vanoti pavakazonomhan’ara ushungurudzwa kwavo mapurisa haana matanho aakatora ekuvadzivirira.

Amai Susan Mawuru
Amai Susan Mawuru


Mumwe mudzimai akatyorwa ruwoko mumhirizhonga yemudzimba ndiAmai Venencia Tapera, vanogara kuHwirisha mudunhu reMashonaland East. Mudzimai uyu anoti hama dzake dzakamumanikidza kuti asataure kuti akatyorwa ruoko nemurume wake dzichiti zvaizoita kuti varambane.

“Vana tete vakati ndikaenda kumapurisa ndinenge ndisisade imba sezvo murume anozondiramba” Amai Tapera vanotsanangurawo

Amai Mawuru vanoti dambudziko remadzimai ekumaruwa rinozonyanya nekuti vakanomhan’ara kumadzimambo, masadunhu kana masabhuku nguva zhinji nyaya dzacho hadzitongwe zvakanaka sezvo mitongo ichirerekera kuvarume ichitsimbirira vakadzi.

“Nyaya dzekushungurudzwa kwemadzimai dzinonetsa nekuti kunyange tikanomhan’ara kwaMambo kana kwaSabhuku vanotonga nedemo zvekuti madzimai hatinzwikwe nedare”Amai Mawuru vanonyunyuta

Asi Mambo Ngezi vemudunhu reMhondoro kuMashonaland West, VaPeter Pasipamire, vanoti basa ravo nderekuyananisa mhuri, vachiti madzimai mashoma ndiwo anoenda kunomhan’ara nyaya dzekushungurudzwea mudzimba. Mambo Ngezi vanoti kudare kwavo hakuna madzimai anoshungurudzwa anouya nenyaya dzacho.


“Hakuna madzimai anouya kumatare nenyaya dzekushungurudzwa, takatovamirira sezvo iri mhosva yakaipisisa munyika” Mambo Ngezi vanotsanangura

Mambo Ngezi vanokurudzira madzimai kuti aende kunomhan’ara nyaya dzekushungurudzwa mudzimba vachiti vanotonga nyaya kwete munhu.

“Isu kumatare kwedu tinotonga nyaya kwete munhu” Mambo Ngezi vanozivisa

Nhengo yesangano rinomiririra madzimai, reWomen Coalition of Zimbabwe mudunhu reMashonaland West, Muzvare Christine Rinemhota, vanoti panyaya dzavanotambira pagore zvikamu makumi masere kubva muzana dzinobva kumadzimai ekumaruwa, vachiti zvinoratidza kuti vakawanda vavo havazive kuti vanonomhan’ara kana vakarohwa sezvo dzidzo yavo iri pasi.

Dzimba dzinochengeterwa vanoshungurudzwa kuChinhoyi.
Dzimba dzinochengeterwa vanoshungurudzwa kuChinhoyi.


“Ongororo yakaita sangano redu reWOCZ inoratidza kuti 80% yemadzimai anosangana ne mhirizhonga yemudzimba ndeve kumaruzevha” Muzvare Rinemhota vanozivisa

Gurukota rinoona nezvemadzimai, Amai Monica Mutsvangwa, vanoti bazi ravo riri mubishi kurwisa nyaya dzemhirizhonga mudzimba uye kuroorwa kwevanasikana vasati vabva zera.

“Bazi remadzimai riri mubishi kudzidzisa madzimai nevanasikana kuti vazive kodzero dzavo mudzimba uye tinoyamura neruyamuro rwepekugara, kurapwa nemagweta kune vanenge vachizvida. Tinozviita nevatinoshanda navo vemasangano akazvimiririra” Amai Mutsvangwa vanotsanangura

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vanokurudzira vanhu kuti vaende kumapazi emapurisa ekuyananisa vanhu, kana kuti Victim Friendly Units, ari pamakamba emapurisa nyika ose.

Bazi reUNICEF rinoti madzimai zvikamu makumi mana kubva muzana, 40 percent, ari pakati pemakore gumi nemashanu kusvika pamakore makumi mana nemapfumbamwe anosangana nemhirizhonga yekurohwa kana yepabonde muhupenyu hwavo.

Asi mhirizhonga yemudzimba haina kungonangana nemadzimai chete, sezvo vamwe varume vane chitsama vachinzi vanosanganawo nayo asi vanonyaradza kuzvishambadza, nekudaro vanozongokuvarira mukati sehosho.

Amai Monica Mutsvangwa
Amai Monica Mutsvangwa


Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinomiririra kodzero dzevarume rePadare, VaPaul Vingi, vanoti kunyange tsvakiridzo dzichiratidza kuti vakadzi vakawanda kudarika varume panyaya dzekushungurudzwa mudzimba varume vakawanda havamhan’ari nekuda kwekunyara.

VaVingi vanoti varume vakawanda vanoshungurudzwa nekuda kwekutadza kuriritira mhuri zvinokonzera kuzotadza kuita bonde zvakanaka.

“Varume vakawanda vanoshungurudzwa asi hava mhan’are nekutya kusekwa kuti vanorohwa nemadzimai. Nyaya dzekutadza kuriritira mhuri ndidzo dzinoita kuti vashungurudzwe mudzimba” VaVingi vanotsanangura

Nyanzvi munyaya dzeyanano dzinoti mudzimba munofanirwa kunge muine kutaurirano pakati pemudzimai nemurume senzira yekuderedza nyaya dzemhirizhonga mudzimba.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG