Accessibility links

Breaking News

Muimbi weSungura, Elphas Mashamba, Opa Nhoroondo Yake Mumagitare


Elphas Shamblo Mashamba
Elphas Shamblo Mashamba

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino taita hurukuro nemuimbi ari kusimukira achiimba musambo we Sungura, Elphas Mashamba, remagitare achinzi Shamblo.

Shamblo chizvarwa cheku Jerera kuZaka mudunhu reMasvingo, kunova ndiko kwaakatangira zvekuridza magitare achiri kuchikoro.

Pari zvino Shamblo ave kuridza mabhosvo, kunyora mimhanzi yake ega uye kubatsirawo vamwe vaimbi kutsikisa mimhanzi yavo.

Mukuridza kwake anoti vabereki vake vakanga vasingafariri kuti aite zvemagitare, vachida kuti atange apedza zvechikoro.

Baba vake vakashaya achiri nudiki akasara achirerwa naamai vake, avo vaanoti vakazogamuchira kuti ane chipo chekuimba.

Vhidhiyo Ina Elphas Mashamba
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:04 0:00

Shamblo anotiwo matambudziko aanosangana nawo ndeekushayiwa mari dzinokwana kugadzira nekubikisa nziyo nemavhidhiyo emhando yepamusoro izvo zvaanoti ndizvo zvave kudiwa mumagitare mukore uno.

Mumashoko ake kuvatsigiri vake, muimbi uyu anoti anopa kutenda kune vese vanomutevera, achiti dai varamba vakadaro uye anovimbisa kuramba achibura zvimwe zvitsva kuvafadza.

Pari zvino ari kunetsa nekambo kanonzi “Manhede Pamakumbo”.

Vanoda kumubata vanokwanisa kumuwana pamadandemutande eYoutube, Spotify, Facebook pasi pezita rekuti 'Shamblo Music,' kana kumubata panharembozha yake inoti +263 783 356 302

Tinokupai chimwe chirongwa chemagitare nemusi weChishanu svondo rinouya.

Kune vaimbi vanoda kuti titaure navo pachirongwa chedu pano paStudio 7, tibateyi paWhatsapp nhamba dzinoti +1 202 465 0318.

Forum

XS
SM
MD
LG