Accessibility links

Breaking News

Vatori Venhau muNyika Vocherechedza Zuva reDay to End Impunity for Crimes Against Journalists


Vatori venhau munyika vari kukurudzira hurumende kuti ivanduzze mitemo inobata mashandiro avo.
Vatori venhau munyika vari kukurudzira hurumende kuti ivanduzze mitemo inobata mashandiro avo.

Vatori venhau muZimbabwe vabatana nepasi rose nhasi mukucherechedza zuva re International Day to End Impunity for Crimes Against Journalists, vachikurudzira hurumende kuti irambe ichivandudza mitemo inochengetedza kodzero dzevatori venhau. Vatori venhau vashorawo kufa kwevamwe vavo muhondo iri kuitika muGaza.

Mumwe mutori wenhau ane mukurumbira, Priviledge Musvanhiri, ashora kushungurudzwa kwevatori venhau achiti muZimbabwe nyaya idzi dzichipo asi dzadzikira. Atiwo anorwadziwa nekuuraiwa kuri kuitwa vatori venhau kuGaza muhondo yeIsrael neHamas. America yakatara Hamas sechikwata chematororo.

"Zimbabwe ndeimwe nyika dzinombotyisa pazviitiko izvi asi tinotenda kuti gore rino zvinenge zvakadzikira. Asi tinochema nemhuri dzevamwe vedu vaurawa mumwedzi wapfuura muhondo ye Israel" Musvanhiri anotaura mafungiro ake.

Sangano reCommittee to Protect Journalists rinoti vatori venhau makumi matatu nevatatu vafa vari pabasa zvichitevera kuputika kwehondo pakati peIsrael neHamas, iyo yakatanga musi wa Gumiguru 7.

Sangano rinorwira kodzero dzevatori venhau kuchamhembe kwe Africa re Media Institute of Southern Africa kana kuti MISA raburitsa gwaro nhasi richikurudzira hurumende kuti igambuchire chisungo che United Nations chinokurudzira kuchengetedzwa kwevatori venhau.

Mukuru we MISA – Zimbabwe, Dr Thabani Moyo vati chisungo ichi chakakosha zvikuru mukuchengetedza kodzero dzevatori venhau munyika.

Mukuru wesangano reMedia Centre, Va Earnest Mudzengi, vatiwo Zimbabwe inofanirwa kudzika mitemo inochengetedza vatori venhau uye kusimudzira mararamiro avo kuti vaite mabasa avo vakasununguka.

"Hurumende ngaiite kuti mitemo yakaita se Media Practitioners Bill ikasike kuvepo asi kuvapo kwayo ngakuve kunobva pakubvumirana" mashoko ava Mudzengi.

Mutori wenhau wechidzimai, Ruvimbo Nyikadzino, anotiwo zuva ranhai rakakosha zvikuru sezvo richipa mikana kuvatori venhau kuti vazivewo kodzero dzavo.

Nyanzvi munyaya dzekutorwa kwenhau vachishanda nesangano re International Media Support, Va Rashweat Mukundu, vaudza Studio 7 kuti zuva iri rakakosha nekuti rinoita kuti kodzero dzevatori venhau dzichengetedzwe.

"Zuva iri rakakosha nekuti rinoita kuti kodzero dzevatori venhau dzichengetedzwe. Izuva rakakoshera vatori venhau" Va Mukundu vanotsanangura.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, Va Nick Mangwana, vange vasati vapindura mibvunzo yatavatumira pataenda pamhepo.

Asi mumashoko kuvatori venhau panguva pfupi yapfuura, mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubazi rezvekufambiswa kwemashoko Dr Jonathan Gandari vakati hurumende yakazvipira kushanda nevatori venhau pamwe nekuchengetedza kodzero dzavo.

Muzinda we America muZimbabwe watura mashoko uchikurudzira hurumende dzose kuti dziremekedze kodzero dzevatori venhau.

Zuva re International Day to End Impunity for Crimes Against Journalists rakadzikwa neUnited Nations mushure memusangano we UN General Assembly wakaitwa mugore ra2013.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG