Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vokurudzira Makanzuru Kuti Aite Basa neMazvo


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Harare-Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakakurudzira kuti makanzuru aite basa nemazvo kusanganisira kuchenesa maguta senzira yekurwisa zvirwere zvakaita se cholera ne typhoid. Vatiwo vanenge vachitadza basa vadzingwe.

VaMnangagwa vataura mashoko aya pamusangano waitirwa kuHarare International Conference Centre wakokerwa nebazi rezvekutongwa kwematunhu senzira yekuti mutungamiri wenyika vasangane nevemakunzuru makumi mapfumbamwe nemaviri ari munyika.

VaMnangagwa vati havasi kufara nemanyama amire nerongo ari kumakanzuru, vachiti makanzura anofanirwa kusunga dzisimbe munyaya dzemafambisirwo emabasa abofanirwa kuitwa nemakanzuru aya.

Marara haasi kutakurwa mumakanzuru.
Marara haasi kutakurwa mumakanzuru.

“Handingazvibvimiri kuti nyika yedu iitwe kunge makare kare tsvina ichingoyerera mumigwagwa zvichiunza zvigwere zvakadai se cholera ne typhoid. Mabasa ekanzuru anofanirwa kukosheswa. Tofanirwa kusimudzira kurwisa chirwere checholera kune dzimwe nzvimbo munyika yedu,” vadaro VaMnangagwa.

Vatiwo makanzura hadzisi nzvimbo dzekuti vakasarudzwa pamwe nevashandi vawane pekuba nepekuitira huwori, vachiti vese vachaita izvi vachapinda parumana nzombe.

Mutungamiri wenyika vatiwo makanzuru ese anofanirwa kuita gwara rinoratidza mafambiro aachaita senzira yekuzadzisa chiga chehurumende chekuti Zimbabwe ive yasimudzira hupfumi hwayo muna 2030.

VaMunangagwa vati budiriro iyi inoonekwa nemigwagwa nezvivakwa zvakanaka pamwe nemabasa emakanzuru, vakati hurumende yavo ichawedzera mari dzichapiwa pasi pekuendesa masimba kumatunhu, kana kuti devolution funds.

Vabvumawo kuti mari dzinenge dzatarwa kuti dzipiwe matunhu hadzisi idzo dzavanozopiwa vachiti vachataura negurukota rinoona nezvemari, VaMthuli Ncube kuti zvigadziriswe.

Gurukota rezvemari, Vathuli Ncube.
Gurukota rezvemari, Vathuli Ncube.

Vatiwo havadi kuti makanzura aite zvematongerwo enyika kumakanzuru asi kuzadzikisa muono wehurumende weVision 2030, uyo vati ndiwo muono weZanu PF sezvo riri iro bato riri kutonga.

Mutungamiriri weZimbabwe Local Government Association, VaGuy Mutasa, vabvuma kuti makanzuru anofanirwa kusunga dzisimbe kupedza hutsvina munyika.

"Ndozvatinoda isu kuti tipe mabasa anekodzero semakanzuru. Nyaya yetsvina zvakaita mutaundi umu kuti tsvina ikungoraswa pese pese zvichakonzera macholera neTyphoid ngazvipere," vadaro VaMutasa.

Munyori mukuru muUrban Councils Association of Zimbabwe, VaLivison Mutekede, vaudza Studio 7 kuti misangano iyi yakakosha vachiti nyika yese iri kutarisira kusimukira kwemabasa emakanzuru.

Asi vati izvi zvinoda mari yakawanda nekudaro zvinoda kuti vanhu vaise misoro pamwechete.

Dambudziko remuvra rinonzi riri kuwedzera korera.
Dambudziko remuvra rinonzi riri kuwedzera korera.

“Zvinoda mari yakati wandeyi kuti tivandudze maguta edu ese. Hazvisi zvinhu zvingaitwa nenguva shoma. Saka zvinoda kuti hurumende nemakanzuru vauye pamwechete kuvandudza maguta edu.”

Vatiwo vafara kuti mutungamiriri wenyika abata nyaya yekunonoka kana kusapiwa mari yakakwana kwemakanzuru pamari yebudiriro yematunhu vakati itarisiro yavo kuti izvi zvigadziriswe kuti makanzuru akwanise kuita basa ravo.

“Makanzuru anozowana mari yebudiriro yematunhu gore rave kutopera,” VaMutekede vawedzera.

Musangano uyu waitwa panguva iyo chirwere cheCholera chaputika zvakare munyika uye huwandu wevanofungidzirwa kuti vafa nechirwere ichi hwava pazana nemakumi maviri nevashanu.

Bazi rezvehutano rinoti nezuro chete vanhu makumi mapfumbamwe nevashanu vanofungidzirwa kuti vakabatwa nacho.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG