Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeCCC Vari Zvakare Nhengo yeParamende, VaTakudzwa Ngadziore Vanopambwa neKuitwa Kafira Mberi


Nhengo yeCCC vari zvakare nhengo yeparamende, VaTakudzwa Ngadziore vari muchipatara.
Nhengo yeCCC vari zvakare nhengo yeparamende, VaTakudzwa Ngadziore vari muchipatara.

Nhengo yeboka revechidiki mubato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, CCC, uye vari nhengo yeparamende, VaTakudzwa Ngadziore, vapambwa mambakwedza kubva pamba pavanogara muMabelreign muHarare vakarohwa nekutochwa zvakaipisisa pamwe nekubaiwa jikiseni risingazivikanwe kuti ndereyi vasati vasiya vakandwa ku Christon Bank kumuganhu weHarare neMazowe.

VaNgadziore vakwanisa kushambadza chiitiko chekupambwa kwavo kubirikidza nekavhidihiyo kadikidiki kavakwanisa kutora izwi ravo richiratidza kutya kukuru vachitandaniswa nemumwe murume anga akabata pfuti yehondo, kavakanda paFacebook vachiti pane vari kuvatevera.

“Ndiri kuteverwa,” VaNgadziore vadaro vazere nekufemereka kwekutya.

Vaakudzwa Ngadziore veCCC.
Vaakudzwa Ngadziore veCCC.

Mukoma wavo, VaDenford Ngadziore, avo vanova kanzura weWard 16 muHarare, vati munin’ina wavo apambwa nevavanofungidzira kuti vasori.

“Vanhu vatinofungidzira kuti vasori vehurumende vakasvika kumba kwaTakudzwa Ngadziore anova munin’nina wangu nezuro kuMabelreign vakati vanoda kumuona, vachiti ane chikwereti kubhanga . Saka makuseni Takudzwa afonera mumwe ane motokari yauya kuzomutora ikauya nekuseri kwaabuda nako achida kuti asaonekwa mabudiro ake. Paada kuti atize, vabva vamubata,” vadaro VaNgadziore.

Vachitaura nevatori venhau muHarare nezvekupambwa kwaVaNgadziore, imwe nhengo yebato reCCC, VaAmos Chibaya, vati zvaitika izvi mabasa eZanu PF.

“Munyika muno maita mabhinya. Chihurumende cheZanuPF chava kungorova munhu wese. Chinoziva kuti hachina kuhwina pasarudzo dzakapfuura. Nhasi mumiriri wedu weparemende VaTakudzwa Ngadziore vadzingirirwa vakarohwa, vakapambwa vakasiiwa vakandwa kuMazowe,” vakadaro VaChibaya.

Asi mushandi mukuru muhofisi yekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira, vati ivo sebato havabvumi kuti pane zvekupambwa kwevemapato anopikisa munyika.

“Chatinoziva ndechekuti vakomana vanobva kumapato anopikisa vanogara vachigadzira twumavhidhiyo twavo twenhema vachinyeba kuti vapambwa tozoona vanhu vava kubuda varipa maChicken Inn. Isu seZanu-PF hatitendi kuti kune vanhu varikupambwa, asi mapurisa ngaatarise nyaya idzi kusvika kumagumo adzo,” vadaro VaMarapira.

VaFarai Marapira veZanu PF.
VaFarai Marapira veZanu PF.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati ivo havana chavanoziva nezvekupambwa kwaVaNgadziore.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vati kupambwa kwaVaNgadziore kunoratidza kusagadzikana kuriko munyika mushure mesarudzo dzegore rino dzinonzi nevamwe hadzina kufamba zvakanaka.

“Zvinoratidza kuti pane kusagadzikana kukuru kuripo munyika. Kazhinji kana muchinge mabva musarudzo zvakadai izvi munotarisira kuti vanhu vanotanga kubatana, mungava muri mumapato, vanhu vanotanga kubatana,” vadaro VaMaguwu.

Mutauri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaObert Masaraure, vashorawo kupambwa kwaVaNgadziore vachiti vanofanira kuchengetedza vanhu havasi kuita basa ravo munyika.

Mumwe anofungidzirwa kuti musori apamba VaTakudzwa Ngadziore
Mumwe anofungidzirwa kuti musori apamba VaTakudzwa Ngadziore

Bepanhau repadandemutande reZimLive rinoti varume vari muvhidhiyo yatorwa naVaNgadziore vasori vanoti Nicholas Kajese naAbraham Pasi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi revarume ava pataenda pamhepo

Hakasi kekutanga kupambwa kwevanoita zvematongerwo enyika vakaita saVaNgadziore. Mwedzi wapera imwe nhengo yeCCC uye vaimbove mumiriri weMabvuku-Tafara, VaJames Chidhakwa, vakapambwawo vakakuvadzwa zvakaipisisa uye kubaiwa jekiseni zvakare vakazowanikwa vakakandwa kunzvimbo yeActurus.

Mumiriri weHarare West, Muzvare Joanna Mamombe, pamwe nedzimwe nhengo dzebato ravo reCCC dzinoti Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova vakapambwawo muna 2020 vakashungurudzwa, pamusoro pezvo vakasungwa vachipomerwa mhosva yekunyepa kuti vakapambwa.

Musi wa 3 Zvita 2008, Muzvare Jestina Mukoko, vakapambwa nevanofungidzirwa kuti vasori pakati pehusiku kubva pamba pavo vakashungurudzwa. Nhengo mbiri dzesangano ravo, Va Broderick Takawira naVaPascal Gonzo vakazopambwawo mushure, vese vari vatatu vakagara vasingazivikanwi kuti varipi kusvika vazooneka kekutanga vachiendeswa kudare musi wa24 Zvita, 2008.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG